Zvangu zvabhadhara: Muripo

31 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Zvangu zvabhadhara: Muripo

Kwayedza

Abel Ndooka
NYANZVI yemutambo wekarate, Shihan Samson Muripo, anoti kushanda nesimba uye kuzvipira mubasa rake ndiko kwakamuona achikwanisa kuhwina menduru dzakawanda pasi rese.

Mumakore 10 adarika, kubva 2009 kusvika 2019, Muripo asimudza mureza weZimbabwe zvinonwisa mvura izvo zvamuona achihwina mikombe yakawanda munyika muno, muAfrica uye nekumhiri kwemakungwa.

Mutambi uyu ndiye akaita chizvarwa chekutanga kubva muAfrica kuhwina menduru yegoridhe kumakwikwi ekutanga eFirst World Cup Open Karate Tournament ayo akaitirwa kuOsaka, kuJapan, mugore ra2009.

Mumakore akatevera, shasha iyi yakahwina mitambo yakawanda inosanganisira Champion in Heavyweight Category So-Kyokushin Cup International Tournament muna2013 kuShangai, kuChina ne3rd So-kyokushin International Karate Tournament 35 years plus Open weight 2017 kuAhvaz, kuIran uko ahwina menduru yegoridhe zvakare.

Muripo akahwinhawo menduru yegoridhe mumutambo we6th Kyokushin Karate World Cup men over 80kgs kuMoscow, Russia gore rapera.

“Kushanda nesimba kwandinoita uye kuzvipira mubasa rangu ndichiziva zvandinoda kuzowana pekupedzisira ndiko kunondituma kuramba ndichishanda nesimba.

“Dzimwe dzenguva zvaisava nyore nekuda kwemamiriro ezvinhu asi kuzvipira uye kuramba ndakashinga ndiko kwakaita ndisvike kure.

“Kushanda zvinhu zvakaoma ndiko kunogadzira ngoda,” anodaro Muripo.
Gore rino, Muripo anoti ari kutarisira kuramba achiwedzera menduru dzegoridhe musherefu yake uye achakwikwidza kumutambo we2nd So-Kyokushin World Karate Championship 2020 uchaitwa munaKubvumbi kuJapan.

Share This:

Sponsored Links