Uncategorized

‘Zvangu zvidhoma hazvidzoswe, wandapa ndapa’

14 Apr, 2022 - 16:04 0 Views
‘Zvangu zvidhoma hazvidzoswe, wandapa ndapa’ Sekuru Kafera

Kwayedza

Kingstone Mapupu

N’ANGA Sekuru Amos Kafera (80) inogara mumusha weUnit J kuChitungwiza inoti vanhu vari kuirwisa vawanda nechinangwa chekuda kuiwisira pasi.

Sekuru Kafera, avo vanova chizvarwa chekunyika yeMalawi, vanotaura mashoko aya zvichitevera nyaya dziri kutenderedzwa pamadandemutande dzinoti vave kurwarira kufa.

“Kune mashoko ari kufambiswa paFacebook nepaWhatsApp nemamwe madandemutande anoti ini ndiri kurwara zvekuti handichagona kumuka kana kufamba, vamwe vachiti ndakatofa. Mumashoko aya ndiri kunzi vanhu vandakapa mishonga yangu nezvidhoma vadzose zvichinzi ini ndava kuda kudzokera kunofira kumusha kwangu kuMalawi,” vanodaro Sekuru Kafera.

Vanoti nekuda kwemashoko aya, vamwe vanhu vakatobva kunyika dzakaita seSouth Africa, Botswana nekuZambia vachiti vari kuzotaura navo vasati vafa kana kudzokera kumusha kwavo kuMalawi.

“Ini chandinenge ndapa munhu kungava kurombesa kana kupa zvidhoma handidzoserwe nekuti wandapa ndapa, ndezvako unozvishandisa zvatakawirirana chete. Aya mashoko ekunyepa, vanhu ivava vanotora mifananidzo yangu neyezvinhu zvangu vogadzira pamaFacebook pavo vachiti ndini. Vamwe vanoda kubatsirwa havachauya kwandiri vachifunga kuti ndakaenda kuMalawi kana kuti ndakafa,” vanodaro Sekuru Kafera.

Vanoti nekuda kwemashoko aya, kune dzimwe n’anga dzava kunyepera vanhu kuti vakavasiira mishonga.

“Kune n’anga dzava kubira vanhu nezita rangu ndichinzi ndakanofira kumusha kuMalawi.

“Handirware ini, onai zvandiri kusimba, kana pane anoshuvira kuti ndirware kana kufa ndiye achafa nekuti ndekwaMwari nevadzimu vangu kana vatendera kwete mafungiro evanhu. Ndakabva kuMalawi ndikaroorera madzimai angu muno ndikaita vana, ndine dzimba dzakawanda muno nepurazi saka handichadzokera kuMalawi ini.”

Vanoti kune vanhu vari kuuya vachiti vakatumira mari kwavari, nyambisirwa vari kubirwa.

“Tine nyaya dziri kumapurisa dzevanhu vanobirwa mari vatumira vozouya kwandiri tovaratidza kuti mari yavo haina kusvika kwandiri. Sekuru Kafera ndini chete muno, hamheno vamwe vari kunyuka vachiita chitsotsi,” vanodaro Sekuru Kafera.

Share This:

Sponsored Links