Uncategorized

Zvanzi Jesu ari kuBudaz

27 Jan, 2017 - 00:01 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA

DAI Jesu ainzi adzoka, uye ari kuBudaz kana kuDomboshawa, waiita sei? Vazhinji vedu taivhara dzimba, toregeresa vana kuenda kuchikoro kuti tinoona Jesu. Kwete kungomuona nemaziso chete, asi kunomukomberedza kuti atibate, atirape, atibvise minyama, atipe tsanangungudzo nekutishandira.

Kana tiri vaye vane mari tinenge tave kutsvaga kuti tinomutora nemazimota edu kuti tiende naye kumizinda yedu kuti atitengesere kamedu kedenga.

Asi ko kana Jesu akaramba kukunamatirai, kana kutaura nemi, kana kukuporofitai nekukupai tsananguro munotsamwa mukaputika here? Ko kana Jesu akakuudzai kuti dzokerai kudzimba dzenyu munoverenga maBhaibheri enyu nekurarama musingatadze, mungafare here kuti makaona Jesu?

Kana Jesu akati dzokerai kudzimba dzenyu nekuti handisi kuzokupai chingwa nehove, kana kusvinudza vana Bhatimiyo vari pakati penyu, maidzokera here?

Maienda muchitaura nyaya dzei pamusoro pake? Hamusi maidzokera muchipopota pamwe chete nekumushoropodza zvekunyatsomunhongerera here muchiti haana tsitsi, haana rudo?

Dai Jesu aizongosarudza munhu mumwe chete ari kurwara zvekuda kufa, obva ati, “Ndichanamatira baba avo chete nekuti ndivo vari kunyatsorwara,” taizogutsikana nazvo here? Kumurega Jesu achidarika nepakati pedu achienda kunoona baba vari kurwara ivavo kuti avaporese?

Ko chii chaizvo chatiri kumbotsvaga mumachechi umu? Tiri kudei chaizvo kubva kuna Jesu? Ko kana shoko richiti vose vakamugamuchira akavapa simba rekunzi vana vaMwari, sei tisiri kufara nekugutsikana kuti tingonzi vana vaMwari? Sei tiri kuda kuti tione minana nezviratidzo?

Kurwarira minana nezviratidzo hakusi kunamata zvifananidzo here? Eheka, nekuti kwauri hukama naMwari hakusi kuziva nekuzivikanwa naJesu, kwauri hukama naMwari kuitirwa zvinhu. Kuwaniswa mari, basa, murume, mukadzi, kubvisirwa minyama, kuporeswa pahurwere, kuudzwa mazita evanhu vari kukuroya kana kuti uchapuromotwa kubasa!

Sei tisiri kufara saPeter mushure mekuona kubwinya kwaJesu pagomo zvekuti kwaari, zvimwe zvese zvakanga zvisisina basa. Akanga agutsikana nekungoona hukuru hwaMwari akati zviri nani tichingovaka matumba tigarire zvedu pano pataona kubwinya.

Peter paakaona kubwinya kwaJesu pagomo, haana chinhu chinobatika nekuiswa muhomwe chaakawana. Akangofara, akagutsikana nekuona kubwinya chete chete.

Ko iwe uri kutsvagei kuna Jesu? Kana akakuratidza kubwinya kwake unofara zvekubata denga here saPeter, kana kuti unenge uchida kubva pana Jesu uine mapepabhegi akazara nezvinhu?

Mumwe murume akanga achembera aigara mutemberi achimirira kuzvarwa kwaJesu, nekuti akanga audzwa naMwari kuti haaizofa asati aona Muzodziwa waShe. Murume uyu ainzi Simeoni.

Joseph naMaria pavakazoenda nemwana kutemberi setsika yevaJudha, Simeoni akataura mashoko anonyadzisa vatendi vazhinji venguva yedu ino. Simeoni akati mwana Jesu aunzwa mutemberi, akamubata akaita munamato wekuti:

“Zvino Tenzi, muranda wenyu ngaachienda (ngaachifa) zvake nerugare sezvamakareva; nekuti meso angu aona ruponeso rwenyu . . .”

Simeoni akabata kana kuti akatakura Jesu mumaoko ake. Simeoni akatakura Mwari mumaoko ake. Kubata Mwari mumaoko ako, asi iwe uri chinhu chakatogadzirwawo nekacheche kawakabata!

Vazhinji vedu tikabata mari tinopenga, asi Simeoni akabata Mwari mumaoko akasaita benzi. Vamwe vedu tikabata doro tinoita setawana hupenyu. Simeoni akabata Jesu mumaoko akagutsikana kuti akanga aona zvinhu zvinochiita kuti achifa zvake murugare.

Uchenjere kuti ucharamba uchitsvaga Jesu, asi iye ari mauri. Asi ukaramba uchitsvaga Jesu iye ari mauri, zvinoreva kuti uri poto inodzima moto uri kubika zviri mairi.

Share This:

Sponsored Links