Uncategorized

Zvekuita kana munhu abatwa chibharo

22 Feb, 2019 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Danai Chirawu
KUBATWA chibharo nedzimwe mhosva dzine chekuita nebonde ndiwo matambudziko makuru ari kusangana nevanhukadzi pamwe nevana muZimbabwe.Nyaya dzerudzi urwu dzinogarobuda munhau.

Bepanhau reThe Herald mwedzi wapera rakaburitsa nyaya dzinosanganisira yemurume akabata chibharo kamwe kasikana mudanga neimwe yemurume akaponda mudzimai aiita basa rekutengesa muviri wake, yemusikana webasa remumba akazadza mwanakomana chindumurwa chepamba paaishanda njovhera uyewo yemurume aishungurudza mwanasikana wemuroja wake ane makore matatu ekuberekwa.

Nyaya dzekubatwa chibharo dziri kuitika pasi rose dzichikanganisa raramo yevanhukadzi nevana.

Nguva pfupi yadarika, Sierra Leone yakatora matanho ekurwisa kushungurudzwa kwevanhukadzi zvichitevera mashoko anoti nyaya dzekubatwa chibharo nekurohwa kwevanhukadzi dzange dzawanda zvakapetwa kaviri gore rapera.

Zvinonzi vose vachabatwa nemhosva yekushungurudza vana kunyika iyi vachatongerwa kugara mujeri kweupenyu hwose.

KuSouth Africa, hurumende yeko inoti varume vanofanira kutsigira zvizere nyaya dzekurwisa kubatwa chibharo nekushungurudzwa kwevanhukadzi.

Zvinotevera matanho anokwanisa kutorwa kana munhu achinge ashungurudzwa zvine chekuita nebonde:

  1. a) – enda unobatsirwa kuchipatara

Vanhu vakawanda vanofunga kuti mushure mekushungurudzwa zvine chekuita nebonde, zvikuru chibharo, vanofanira kutanga vazivisa mapurisa. Izvi handizvo. Chibharo chinouya nezvakawanda zvinokanganisa upenyu hwemunhu kusanganisira kutapurirwa zvirwere, kutsemurwa kwemabhonzo uye kupihwa pamuviri. Nekudaro zvakakosha kuti zvose izvi zvionekwe zvekuita nazvo pasati patorwa mamwe matanho ane chekuita nemutemo.

Munhu anenge abatwa chibharo anofanira kuenda kukiriniki kana kuchipatara onobatsirwa kuti asatapurirwe utachiona hweHIV (post exposure prophylaxis (PEP) mukati memaawa 72.

Vanobatsira vanokwanisa kupa piritsi zvakare rinodzivirira kubata pamuviri.

Izvo zvekuti munhu anofanira kunge aine gwaro remapurisa kuti abatsirwe kuchipatara kana kukiriniki kana achinge abatwa chibharo hazvisisiko muZimbabwe.

  1. b) – chengetedza umboo

Kana chinangwa chiri chekuda kumhan’ara kumapurisa (izvo zvinokurudzirwa zvikuru) panodiwa umboo kumapurisa nekumatare edzimhosva.

Zvinofanira kuzivikanwa kuti mhosva dzose dzine chekuita nekushungurudzwa kwevana vane makore ari pasi pe18 okuberekwa dzinofanirwa kumhan’arwa.

  1. c) – taurira munhu waunovimba naye

Kuwana munhu waunovimba naye waunoudza zvose zvakaitika kwakakosha kuitira kuti unge uchibatsirwa mushure mekunge washungurudzwa zvine chekuita nebonde.

Munhu uyu anogona kunge ari wemumhuri, shamwari kana mumwewo waunovimba naye.

  1. d) – mhan’ara kumapurisa

Kana munhu anenge ashungurudzwa zvine chekuita nebonde uye achida kumhan’ara kumapurisa, anokurudzirwa kumhan’ara kukamba yemapurisa iri pedyo.

Nyaya iyi inofanirwa kumhan’arwa kuburikidza nechikamu cheVictim Friendly Unit chine mapurisa ane ruzivo rwenyaya dzekushungurudzwa kune chekuita nezvepabonde.

Pakumhan’ara, zvakakosha kutaura zvose zvakaitika.

Pane mukana zvakare wekuenda kunomhan’ara kuZimbabwe Gender Commission iyo inoongorora nyaya idzi nekuzodzimhan’ara kumapurisa.

  1. e) – batsirwa kuti pfungwa dzako dzidzikame

Kubatwa chibharo nekumwe kushungurudzwa kwepabonde kunokanganisa zvikuru raramo yemunhu.

Zvinokurudzirwa kuti vanenge vasangana nenyaya dzerudzi urwu vaende kunopangwa mazano kumachechi kana kuzvipatara.

Zimbabwe ine matare edzimhosva anoona nenyaya dzekushungurudzwa kwepabonde.

l Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemutande rinoti [email protected], kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900 kana dzetoll-free 08080131, tinokupindurai.

Share This:

Sponsored Links