Uncategorized

Zvekuita kana washungurudzwa pabasa

31 Jul, 2020 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Yeukai Chiranga

KUSHUNGURUDZANA nenzira ine chekuita nebonde kukanganisa kodzero dzemunhu dziri mubumbiro remutemo wenyika dzekuti ashande akasununguka, kuve ane chiremerera uye achinzwa kuchengetedzeka.

Kana pakasatorwa matanho, kushungurudzwa uku kunogona kupedzisira kwave nemhirizhonga.

Pari zvino, Zimbabwe haina mutemo wakangomirira kugadzirisa nyaya dzekushungurudzwa kune chekuita nebonde pamabasa. Zvisinei, izvi hazvireve kuti kana munhu akashungurudzwa pabasa haakwanisi kunge achibatsirwa. Pane mitemo yakasiyana yakananga kugadzirisa nyaya dzakadai. Pasi pemutemo weLabour Act, kushungurudzwa kune chekuita nebonde kunosanganisira kukumbira bonde kuti munhu awane basa, asimudzirwe pabasa, awedzerwe mari yaanotambira, kuchinjwa basa kana kusimudzirwa nedzimwe nzira.

Mamwe maitiro ekushungurudza kune chekuita nebonde anogona kuve mhosva inoendesa munhu kujeri uye anosanganisira:

a) kubata-bata muviri wemunhu zvakadai semazamu. Iyi mhosva inogona kuparwa nemunhurume kana munhukadzi pabasa.

b) Kuita zvinhu zvinobvisa munhu chimiro pabasa. Semuenzaniso, kutaridza nhengo dzakavandika kune vamwe, kutaura kana kuimba munhu achishandisa mashoko ezvinyadzi vamwe vepabasa vachinzwa.

Munhu anokwanisa kumhan’ara nyaya dzakadai zvinoita kuti nyakupara mhosva asungwe.

Zvichienderana nemamiriro enyaya, mumhan’ari anogona kuenda kumatare achida kubhadharwa mari nemunhu akamutadzira zvisinei nekuti akambobatwa nemhosva iyi.

Mumhan’ari anogona kuita izvi kuburikidza nenzira dzinotevera:

a) Gwaro rerunyararo, iri igwaro rinopihwa nemutongi kumatare edzimhosva kana munhu achikanganisirwa runyararo rwake. Gwaro iri rinoita kuti musungwa akasakangise runyararo rwemumhan’ari nenzira dzinosanganisira kutaura mashoko ejee ane zvinyadzi kana kungomutevera kwose kwaanenge achienda zvisina tsarukano. Kana munhu anenge amhan’arirwa akasasiya tsika yake, anogona kubhadhariswa faindi kana kutopika jeri.

b)   Mumhan’ari anogona kuenda kumatare zvakare kuti abhadharwe mari nemunhu anenge achimushungurudza.

Pamusoro pezvo, munhu anenge achishungurudzwa anogona kumhan’ara kuvakuru vepabasa pake nyaya yacho yogadziriswa kuburikidza nemitemo yakasiyana inosanganisira inotevera:

a)  Public Service Regulations of 2000 iyo inoti panofanirwa kuitwa ongororo uye nyaya yacho yozotongwa.

b)  Internal Sexual Harassment Policy iyo inopa gwara rinofanirwa kutevedzwa nemunhu anenge achishungurudzwa zvine chekuita nebonde. Chinangwa chemutemo uyu kuchengetedza vashandi kuti vasashungurudzwe pabasa.

Kunyangwe zvazvo vanhu vanoshungurudzwa zvine chekuita nebonde pabasa vachikwanisa kubatsirwa kuburikidza nemitemo yakasiyana, mitemo iyi inofanirwa kubatanidzwa kuti uve mumwe chete. Izvi zvinoita kuti pave nenzira dzakajeka dzekugadzirisa nyaya dzerudzi urwu.

Kana muine mibvunzo kana zvimwe zvamunoda kutaura tibatei padandemutande rinoti [email protected] <mailto:[email protected]> kana kufona panhamba yeHotline +263782 900 900/+263776 673 873 kana yeToll free 08080131

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>