Zvekuita pakunyoresa vana vari paBEAM

20 Dec, 2023 - 14:12 0 Views
Zvekuita pakunyoresa vana vari paBEAM Rainos Mukanya

Kwayedza

naRainos Mukanya

Sezvo karenda rezvikoro ra2024 riri kutanga nemusi wa9 Ndira, riri kuuya nekukurumidza, kunyoresa kwevana veForm 1 muzvikoro zvesekondari kuri kuwedzerawo.

Apo zvikoro zviri kunyoresa, zvakakosha kuyeuka kuti kuwana, dzidzo haisi ropafadzo, asi kuti ikodzero iri mubumbiro remutemo wenyika maererano neSection 75 yebumbiro remutemo reZimbabwe.

Zvinoodza mwoyo kutambira nyaya dzevana vechikoro vari pasi pechirongwa cheBasic Education Assistance Module (BEAM) vakatarisana nezvipingaidzo pakuwana dzidzo nekuda kwevamwe vakuru vezvikoro vari kuti vanofanirwa kutanga vabhadhara mari.

BEAM yakaunzwa neHurumende yeZimbabwe senzira yekubatsira vana vanotambura. Vana vari pasi pechirongwa ichi vanobhadharirwa mari dzavo muzvikoro neHurumende.

Naizvozvo zvakakosha kuti vakuru vezvikoro vatevedze misimboti yakavambwa neBEAM uye kunyoresa vana vakadaro vasingade kuti vabhadhare.

Vana vechikoro vari muchirongwa cheBEAM kubva kupuraimari kuenda kusekondari vanongoda chete kuburitsa zvitupa kubva kuzvikoro zvavo zvinoratidza kuti vakanyoresa pasi pechirongwa ichi.

Zvikoro zvesekondari zvine chisungo chekukoshesa vana ava uye kuona kuti vanyoresa pasina chinodiwa kuti vabhadhare. Izvi zvinoita kuti zvinhu zviendeke uye kudzivirira nyaya dzevana vanosiira chikoro panzira.

Section 10 yeEducation Act inojekesa kodzero yemwana wose yekuti anyoreswe pachikoro chiri pedyo nekwaanogara. Kunyima kodzero iyi nekuda kwezvimhingamupinyi zvemari hakusi kusaruramisira chete asiwo kutotyorawo musimboti wemukana wakaenzana.

Kuvabereki, vachengeti, kana vamwe vanosangana nematambudziko pakunyoresa vana veBEAM, zvakakosha kuti vazive kuti pane nzira dzekubatsirwa nadzo.

Bazi redzidzo yepuraimari nesekondari rakavamba mizinda yemudunhu, purovhinzi, neyenyika kuitira kugadzirisa matambudziko akadai. Idzi nzvimbo dzinobatsira mukugadzirisa zvimhingamipinyi zvinosanganikwa nazvo pakunyoresa vana.

Pamusoro pezvo, nhamba yeToll-Free, 317, inokwaniswa kuchaiwa nevanenge vachida rubatsiro.

Zvakakosha kuti vabereki nevachengeti vevana vazive nekushandisa nzira idzi pavanofambisa chirongwa chekunyoresa.

Nzira dzerubatsiro idzi dzakaita sema’command centers’ uye nhamba dzeToll free dziripo kuti dzishandiswe nevose vakakodzera kwete chete nenyaya dzine chekuita nekunyoresa, asi chero zvimwe zvinogona kukanganisa kuzadzikiswa kwekodzero yevana yekudzidza.

Zvakakoshawo kuziva kuti sezvo gore ra2024 rasvika, zvikoro hazvitenderwe kudzorera vana kumba nekuda kwekuti vanenge vasina kubhadhara mari dzechikoro. Vakuru vezvikoro vanokurudzirwa kuti vataurirane nevabereki nevachengeti apo vana vanenge vari mukirasi.

. Rainos Mukanya ndiCommunications and Advocacy Officer mubazi redzidzo yepuraimari nesekondari.

Share This:

Sponsored Links