Kwayedza
Nzvimbo yekutandarira nemafaro, yeStephen Mangolis, iri muHarare, yakaparadzwa chimwe chikamu chayo nemoto wesango.
Vashandi vepo, vakaudza munyori uno neMugovera kuti tsaona iyi yakaitika nemusi weMuvhuro wadarika apo moto wesango wakapupurutswa nemhepo ukanobatidza imwe imba yehuswa yepo iyo yabva yaparadzwa yose.
Hatina kuziviswa kuti zvinhu zvakaparadzwa nemoto uyu zvinokisha marii.
Sangano reEnvironmental Management Authority (EMA) riri kugara richiyambira veruzhinji kuti vasavambe moto wavasingazokwanisa kudzimura kunyanya mumwaka uno. – Mifananidzo NaMuchaneta Chimuka