Uncategorized

Zvidzidzo kubva mu’lockdown’

06 May, 2021 - 10:05 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VERUZHINJI vanokurudzirwa kuti vadzidze kubva muchirongwa chekurwisa kupararira kweCovid-19 (lockdown) – icho chinonzi chakaona nyaya dzemhirizhonga dzichiwanda mudzimba pamwe chete nehurombo – kuburikidza nekutevedzera matanho akatarwa ekumisa chirwere ichi kuti pasazova nezvimwe zvirongwa zvakadai zvakare.

Kurudziro iyi yakaitwa svondo rino muguta reHarare pagungano revemachechi nemakanzura pachirongwa cheCAGs SASA! Faith icho chakarongwa nesangano reKatswe Sister 2 Sister iro rinorwira kodzero dzevanhukadzi.

VaJoshua Chinonyengerwa veEpworth Local Board vari zvekare kanzura weWard 1 vanoti nyaya dzemhirizhonga mudzimba dziri kukonzerwa nekushaikwa kwemabasa uye kumbomira kuenda kuchikoro kwakaita vana munguva yelockdown zvichitevera kunyuka kweCovid-19.

“Kune vana vakawanda vakatanga kuita mabasa ekutengesa miviri, kutora zvinodhaka, humbavha nezvimwe zvichitevera kugara kwavakanga voita mudzimba munguva yelockdown. Ndinovimba kuti kana vanhu vakaramba vachitevedza zvose zvinodiwa mukurwisa Covid-19 sekupfeka mamasiki, kuregedza kuungana nekubaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere ichi tinoona vana vedu vachiramba vari muzvikoro pasina lockdown nekuti mukugara mudzimba umu kunyangwe vanhu vakuru chaivo vanopedzisira vava kurwisana,” vanodaro.

VaGift July vanova kanzura weWard 3 uye sachigaro weEpworth Local Board vanoti Covid-19 yakanganisa raramo yevazhinji.
“Munguva yelockdown, vazhinji vakaonekwa vasisaendi kumabasa, zvikuru avo vanozvishandira. Saka vanaamai vaye vakanga vajaira kuona baba vachiuya vakabata magirosari nemari, vachizovaona vachiuya vari maoko bedzi vaikundikana kuzvitambira mudzimba motomuka kurwisana,” vanodaro.
Vanoti hurombo muvanhu hwakawedzerwa zvakare nekuda kweCovid-19.

“Tinokurudzira vanhu kuti vadzidze kushanda nesimba vachiita mabhindauko anovapa chouviri sekusona, kubika nekuveza kuitira kuti vasangomirira mari inobva kurutivi rwumwe chete. Mabhizimusi ngaaitwe mudzimba matinogara kuitira kuti kunyangwe kukamuka chimwe chirongwa chelockdown, hatizochema nekuti chakachenjedza ndechakatanga. Nekuda kweCovid-19, nyika nenyika dzinoisa mitemo yakakodzerana nevanhu vadzo kurwisa chirwere ichi,” vanodaro.

Kuchitiwo Pastor Sophia Kapfumvuti vechechi yeZAOGA Forward in Faith kuEpworth vanoti kunyuka kwechirwere Covid-19 kwakaona nyaya dzemhirizhonga dzichiwanda.

“Kuungana kwainge kwoita mhuri mudzimba kwakakonzera mhirizhonga huru sezvo raramo yakanga yavapo yainge isina kujairika. Vanhu vainge vajaira kumukira kumabasa uye vachiita mabasa akasiyana emaoko vachizosangana apo neapo.

“Kuswera vanhu vakatarisana mudzimba, zvikuru murume nemukadzi, kwaikonzera kuti vamwe vagumisire vobatirana mafoni vobvunzana kuti akufonera ndiyani uye kuita mikarirano panyaya dzekuriritira mhuri,” vanodaro.

Paidamoyo Muganyi-Chitsika anova murongi kusangano reKatwe Sisterhood anoti vemakereke uye humwe hutungamiriri hwemunharaunda vanofanira kubatsira mukurwisa nyaya dzemhirizhonga.

“Vemakereke, madzishe, mapurisa nehumwe hutungamiriri munharaunda vane basa guru rekurwisa mhirizhonga nekuyananisa vanhu, kupanga mazano, kuvatsvagira chouviri kana kusunga vapari vemhosva. Munguva yelockdown, nyaya dzemhirizhonga dzakawanda zvikuru uye nanhasi dzichiriko nekuti raramo yevazhinji haisati yaswatuka.

“Vamwe vana vari kukundikana kuenda kuchikoro nekuda kwekuomerwa kuri kuita vabereki vavo nokudaro panofanira kutorwa matanho ekuti vabatsirikane. Vamwe havatorina magwaro ekuzvarwa,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>