Uncategorized

Zvidzidzo zvepaTV zvovhara mukaha  

11 May, 2021 - 15:05 0 Views
Zvidzidzo zvepaTV  zvovhara mukaha   Sen Mutsvangwa

Kwayedza

Munyori weKwayedza
HURUMENDE nemusi weMuvhuro svondo rino yakaparura chirongwa chezvidzidzo zvepaterevhizheni nechinangwa chekuti vadzidzi vakwanise kudzoreredza nguva yavakarasikirwa nayo zvichitevera kuvharwa kwakamboitwa zvikoro senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.
Danho iri rauya panguva iyo vadzidzi vasiri kuenda kuchikoro mazuva ose.
Zvidzidzo izvi zvinosanganisira mutauro wemasaini kuitira kuti pasave nevadzidzi vanosaririra kumashure sezvo zvidzidzo zveparedhiyo, izvo zvakaparurwa nguva yadarika, zvange zvisingasanganisiri vadzidzi vakadai.
Kuparurwa kwezvidzidzo zvepaterevhizheni izvi inzira iri kushandiswa nevarairidzi kuti vadzidzi veEarly Childhood Development (ECD) kusvika Fomu 4 vakwanise kudzoreredza nguva yavakarasikirwa nayo apo zvikoro zvaive zvakavharwa nedonzvo rekumisa kupararira kweCovid-19.
Vachitaura pakuparurwa kwezvidzidzo izvi kuZBC Pockets Hill muguta reHarare, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko – Senator Monica Mutsvangwa – vanoti zvakakosha zvikuru kana pachitarisa kukanganiswa kuri kuitwa nyaya dzefundo nekuda kwechirwere cheCovid-19.
Vanorumbidza bazi redzidzo yesekondari nepuraimari, rakabatana neUNICEF, nekuzadzikisa chiono chemutungamiriri wenyika President Mnangagwa panyaya yekusimudzira fundo yemhando yepamusoro muZimbabwe.
Sen Mutsvangwa vanoti chirongwa chezvidzidzo zvepaterevhizheni chinofambirana nezvinangwa zvebudiriro zvegore ra2030 zveSustainable Development Goal number 4.
“Covid-19 yakonzera matambudziko makukutu pakati pevadzidzi vedu panyaya yekuenda kuchikoro. Naizvozvo, kudzidzisa uye kufunda kuburikidza nemhando dzakasiyana kwakakosha nechinangwa chekuti fundo irambe ichienderera mberi panguva iyo zvikoro zvinenge  zvakavharwa nekuda kweCovid-19 nepazvinozozarurwa.
“Bazi redzidzo yepuraimari nesekondari rakabatana neUNICEF kubvira pakatanga chirwere cheCovid-19, vari kushanda mukuona kuti vadzidzi vose vaenderera mberi nefundo zvisinei nekumbovharwa kwezvikoro uye nekuzovhurwa kwazvo muzvikamu zvakasiyana-siyana,” vanodaro Sen Mutsvangwa.
Vanoti bazi ravo rakazvipira kushanda nemamwe mapoka nechinangwa chekuti vadzidzi vawane fundo yapamusoro-soro.
  Vachitaurawo pachiitiko ichi, mutevedzeri wegurukota redzidzo yepuraimari nesekondari Cde Edgar Moyo vanoti kuparurwa kwechirongwa ichi kwauya panguva iyo Hurumende iri mushishi yekusimudzira mhando yedzidzo kuburikidza nenzira dzakadai sefundo yepadande-mutande.
 Vanoti vadzidzi vasingakwanise kuwana zvidzidzo zvepaterevhizheni vari kunzvimbo dzinonetsa masai-sai vanofunda kuburikidza nemabhuku.
“Kuparurwa kwechirongwa ichi kwauya panguva iyo bazi redu riri kukoshesa dzidzo yeE-learning nechinangwa chekusimudzira mhando yefundo. Chirwere cheCovid-19 chaita kuti tivandudze mafundiro uye nekuita kuti dzidzo ikwanise kuitwa kwose-kwose nguva ipi neipi zvayo nekudaro zvidzidzo zvepaterevhizheni imwe yenzira idzi dzakakosha,” vanodaro.
Cde Moyo vanoenderera mberi vachiti, “Avo vasingakwanise kuwana zvidzidzo zvepaterevhizheni, vanoita zveparedhiyo kana zvemumabhuku akasiyana. Bazi redu rinozviziva kuti kumativi mana enyika kune dzimwe nzvimbo dzinonetsa kuwana masai-sai eterevhizheni neeredhiyo nekuda kwematambudziko emashandiro emasai-sai aya.
“Zvisinei, ndinofara kuti Cde Mutsvangwa vanoziva nezvedambudziko iri uye vari kushanda kuri gadzirisa kuitira kuti pasawane mudzidzi anosaririra kumashure panyaya yeruzivo rwechizvino-zvino.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>