Uncategorized

Zvikoro zvapihwa maredhiyo 1 500

15 Aug, 2022 - 17:08 0 Views
Zvikoro zvapihwa maredhiyo 1 500 Dr Evelyn Ndlovu (kuruboshwe) vachitambidzwa imwe yemaredhiyo 1 500 akapihwa kubazi redzidzo yepuraimari nesekondari naDr Tajudeen Oyewale (kurudyi).

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

BAZI rezvedzidzo yepuraimari nesekondari rakawaniswa rutsigiro rwemaredhiyo 1 500 anoshandisa simba remagetsi rinobva muzuva nemimwe midziyo kubva kusangano reUnicef izvo zvichabatsira mukusimudzira fundo muZimbabwe.

Gurukota rezvedzidzo yepuraimari nesekondari – Dr Evelyn Ndlovu – vanoti vanofara zvikuru nerutsigiro urwu.
“Kuuya kweruzivo rwechizvinozvino rwakadai semaredhiyo emhando iyi kuchabatsira mukusimbaradza dzidzo nekuti chakachenjedza ndechakatanga seapo makore maviri adarika nyika yakange iri kunyanya kutambudzwa nechirwere cheCovid-19 vana vakakwanisa kuwana zvidzidzo zvavo vari mudzimba kuburikidza nemaredhiyo, materevhizheni nenharembozha,” vanodaro.

Dr Ndlovu vanoenderera mberi vachiti: “Donzvo redu nderekuona kuti mudzidzi wose awana dzidzo yakaenzana kuti tikwanise kuzadzikisa zvinangwa zvebudiriro zvinoendeka zvemaSustainable Development Goals, zvikuru chenhamba 4 chinoda zvikwanisiro zvakawanda. Matambudziko mazhinji akatikomberedza akaita kuti tive nemiono yemberi yekuti tikwanise kugadzirira.”

Vanoti bazi ravo rakakwanisa kumutsiridza chirongwa chezvidzidzo zveparedhiyo (Interactive Radio Instruction) kubvira gore ra2020 senzira yekuwanisa dzidzo kumudzidzi wose akasununguka panzvimbo yaanenge ari.
“Zvidzidzo zveparedhiyo zviri kubatsira zvikuru vana vari kumaruwa kuti vawane dzidzo yakaenzana nevamwe vavo vari mumaguta pasina kudhurirwa kwakanyanya,” vanodaro.

Dr Ndlovu vanoti zvidzidzo zveparedhiyo izvi zviri pasi pechirongwa cheCatch Up Strategy chekusimudzira fundo munyika yose.

“Tinoziva kune vamwe vadzidzi vasinganzwi saka tinovabatsira nezvidzidzo zviri muzvinyorwa kuti pasava nerusarura. Tinofara zvekare kuti zvimwe zvezvidzidzo zveparedhiyo izvi zviri kuwanikwa mumitauro yakasiyana yemuno,” vanodaro.

Dr Tajudeen Oyewale, avo vanova mumiriri weUnicef muZimbabwe, vanoti vanoshuvira kuti vadzidzi vave nefundo yakanaka izvo zvakaita kuti vatsigire chirongwa cheCath-Up Strategy nekuwanisa zvikoro maredhiyo.

“SeUnicef, tinorwira kodzero yevana yedzidzo nekuti kana vari muzvikoro vanenge vaine chengetedzo yakasimba uye vanokura zvakanaka munharaunda ine mikana mishoma yekumbunyikidzwa. Mugore ra2020, pakatanga kunyuka chirwere cheCovid-19, vana vazhinji vakarasikirwa nedzidzo saka zvakakosha kuti vawaniswe zvinovakwanira semaredhiyo kuitira kuti mamwe matenda erudzi urwu kana achinge asimuka zvekare, dzidzo haizokanganisike.

“Takatenga maredhiyo anosvika 3 000 ayo achabatsira vana vari muzvikoro zvakasaririra nedzimwe nharaunda dzakadai seTongogara Refugee Camp. Vadzidzi vanodarika 400 vachabatsirikana nechirongwa ichi,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links