Uncategorized

‘Zvikoro zvoda magetsi ezuva’

21 Feb, 2020 - 00:02 0 Views
‘Zvikoro zvoda magetsi ezuva’

Kwayedza

Daphne Machiri
MUKURU wedzidzo kudunhu reManicaland, VaEdward Shumba, vanoti zvakakosha kuti zvikoro zvekumaruwa nemadhorobha zvive nemagetsi anobva muzuva (solar) zvichitevera dambudziko rekuenda kuri kuita magetsi.

Vanoti izvi zvinoita kuti vana vakwanise kuita zvidzidzo, kusanganisira zvemakombiyuta pasina dambudziko rekushaya magetsi.

VaShumba vakataura mashoko aya pamusangano wavakaita nevakuru vezvedzidzo mudunhu ravo kwaRusape nguva pfupi yadarika uyo waive nedonzvo rekukurukura pamusoro pematanho angatorwe kudzivirira matambudziko akasanganikwa nawo muzvikoro gore rapera. “Tsaona huru yatakasangana nayo sedunhu ndeyeCyclone Idai iyo yakaparadza zvikoro. Takarasikirwa zvakare nevana vechikoro zvinova zvakatidzosera shure,” vanodaro.

Vanoti gore rino vari kufambira mberi nekuvandudza ruzivo rwekushandiswa kwemakombiyuta (ICT) muzvikoro.

“Nekuda kwedambudziko remagetsi ririko mazuva ano, tinoda kuti zvikoro zvekumaruwa nemumadhorobha zvive nemoto unobva kuzuva wesolar izvo zvichaita kuti zvidzidzo zvemakombiyuta zvienderera mberi pasina zvinokanganisa,” vanodaro VaShumba.

Vanoenderera mberi vachiti, “Vana vanobatsirika zvakare mukushandisa magetsi esolar nekuda kwekuti anowanikwa nyore kubva kuzuva. Izvi zvinoita kuti vari kumabhodhingi vawane mukana wekuverenga vakasunguka nguva dzehusiku.”

VaShumba vanoti dzidzo inowanikwa nevana vekumaruwa haifaniri kusiyana neye vemudhorobha.

“Gore rino donzvo redu riri mukuvandudza dzidzo kuti pasava nemutsauko wezvikoro zvekumaruva nezvekumadhorobha, mwana wose awane dzidzo sezvo iri kodzero yake,” vanodaro.

VaShumba vanoti pamusangano uyu pakakurukurwawo pamusoro pekukosha kwekunyoreswa zviri pamutemo kwezvikoro zvakazvimirira.

“Tinoshanda zvakanaka nevemakoreji akazvimirira, donzvo redu nderekuti vafambirane nezvikoro zveHurumende maringe nemasyllabus nezvimwe,” vanodaro VaShumba.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>