Uncategorized

Zvimwe zvaunofanirwa kuziva

31 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga

KANA tiine murwere pamba, tinomupepa vavariro iri yekuti anaye abude muhutenda. Chatinogona kupepa nacho munhu kutevedzera zvinenge zvataurwa nachiremba nemazvo.

Nguva iyoyo ziso remunhu wese pamba rinenge rakatarisa pamurwere kuti agowana rubatsiro rwakakodzera nenguva. Ndiko kunonzi kupepa murwere ikoko.

Mwana ari mugwaro rechinomwe izvozvi tinomutora semutenda anoda kupepwa zvekuti tikatadza kumupa chaiwo mushonga wekuparadza hurwere huri maari, anogona kutoparara.

Denda ratakatarisana naro iye zvino harinetse nekuti mutenda wedu akakomberedzwa nanachiremba vakawanda uye mishonga yacho haiperi kunze kwekunge iye mutenda asingadye nekumedza mishonga.

Vanachiremba ndivo vadzisisi, bepa reKwayedza, vabereki hama neshamwari avo vanogona kutipa rubatsiro pane zvinonetsa mukudzidza nekugadzirira bvunzo. Mabhuku ose akasiyana atinogona kuverenga zuva nezuva akatekeshera, ndiwo mapiritsi anobatsira pose patinenge tonzwa kugomberwa.

Nekuda kwehuwandu hwemapiritsi nanachiremba, hatitarisiri kuti murwere wedu agotandadza kwete.

Chikamu chakapfuura ndakabata dzokorodzo yerondedzero apo ndakabata dzimwe mhando dzerondedzero apo taionesana patingadai tava mugadziriro dzebvunzo. Nemhaka yekuti hochekoche inodikanwa mubasa redu, ndinotora pandakasiira ndichienda mberi. Mumhando dzerondedzero mune yenhaurirano.

Nhaurirano inoda paine vanhu varikutaurirana pamusoro penyaya imwechete. Vanhu ava vanogona kutaura vari vaviri kana kana pfuurei asi kwete kuzoita gurusvusvu nekuti unenge  wava mutambo chaiwo.

Chinongodiwa apa kuti munhu azive manyorerwo acho anoitwa nhaurirano nekuti hainyorwi zvakafanana nedzimwe rondedzero. Inonyorwa zita remutauri nezvaari kutaura neanopindura wacho zvaari kutaurawo. Zvinonyorwa mitsara inoguma kwete kuita zvikamu (paragraphs).

Pane mukana wekuzivisa vanhu zvichatora nzvimbo (narration). Zvino bvunzo regwaro rechinomwe rinobva rataura kuti nyora pamusoro pevanhu vaviri vari kutaurirana. Izvi zvinopa mwana mukana wekuramba ari mugwara raanenge apiwa.

Imwe mhando yerondedzero inogona kuuya inenge iri yekunyora pamusoro petsumo inenge yakapiwa semusoro wenyaya. Dzimwe nguva inenge ichinzi itangise nhanganyaya kana kuti tsumo ibude semhedziso yerondedzero.

Panoda hutsanzi hwakasimba ipapo nekuti munhu akatora musoro iwoyo asinganyatsoziva zvinoreva tsumo yakapiwa, anorova dondo zvikamuomera. Chekutanga ziva zvinoreva tsumo iyi. Kana wabata ipapo chibva wamboedza kuona kuti zvekunyora zvinosvitsa mwero wehurefu hwerondedzero unazvo here.

Mukuita ongororo iyi mwana anofanirwa kurangarira kuti ane nguva yaakatarisirwa kupedza nayo bvunzo rake zvekuti haafaniri kuzoita zvekuzoshandura pfungwa nguva yapera. Rondedzero yekunyora achimhanya inoita mhosho dzakawanda zvekuti goho rinogona kuyeredzwa.

Kune vane ugo neutesve hwekuziva tsumo vanobva vatozvisiyanisa nerudhende nekuti ndipo pavanowanira nguva yekupira mashavi ekurunga mutauro.

Mubvunzo rekotoro yapfuura ndakaona vana vachikundikana kunyora nhetembo pakukosha kwevhu.

Chaivanetsa kwaisava kuziva zvakakoshera ivhu asi kuti vainyora vasingatevedzeri manyorerwo enhetembo. Zvinoreva kuti kunyora nhetembo rimwe bandiko rinoda kudziidzirwa navana nekuti manyorerwo ezvikamu zvacho zvakatosiyana.

Dzimwe rondedzero dzese dzinonyorwa mitsara izere uye ichitanga nevara guru paperera chirevo chapfuura nechidonhwe. Zvino detembo rinogona kudimurwa zvirevo zvisingasviki zvakare panoperera mutsetse.

 

Share This:

Sponsored Links