Zvinoda mararamiro matsva – ZWLA

12 Dec, 2021 - 07:12 0 Views
Zvinoda mararamiro  matsva – ZWLA

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO reZimbabwe Women Lawyers Association (ZWLA) rinokurudzira veruzhinji kuti vatambire mararamiro matsva akaunzwa nechirwere cheCovid-19 uye kusiyana nenyaya dzemhirizhonga yemudzimba iyo inonzi yawedzera zvichitevera kunyuka kwedenda iri.

Mai Fourie Revai, avo vanova programs officer weZWLA, vanoti dzimba dzine chitsama dzakaparara nekuda kwemhirizhonja panguva yelockdown apo vanhu vainge vagere kudzimba kwenguva yakareba senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Vanoti zvinosuwisa kuti mhirizhonga iri kuwedzera sezvo kunze kwekukanganisa vanhukadzi, inokanganisawo magariro akanaka emhuri pamwe nenharaunda.

“Covid-19 iyi kuuya kwayo kwakatiparira nekuti zvakaona nyaya dzemhirizhonga dzichiwedzera mudzimba zhinji uye madzimai vachisangana nekushungurudzwa kunosanganisira kurohwa nezvimwe zvinorwadza.

“Vanhu pavanenge vakagara kudzimba, zvinobva zvamutsa nyaya dzemhirizhonga. Zvakakosha kuti veruzhinji vatambire mararamiro matsva aunzwa nekuda kwedenda iri uye vodzidza kugara murunyararo pasina mhirizhonga yemudzimba,” vanodaro Mai Revai.

Vanoti nyaya dzekushungurudzwa kwevanhukadzi kune chekuita nebonde mumabasa dziri kuwanda zvakare asi vamwe vavo vanosarudza kunyarara vasingabude pachena nekuda kuchengetedza mabasa avo.

Mai Revai vanokurudzira vanhukadzi kuti vasanyarare kana vasangana nenyaya dzekushungurudzwa idzi, asi kuti vadzifumure nekuti kuramba vakanyarara kunounza mamwe matambudziko makukutu.

“Kumabasa madzimai ari kushungurudzwa asi vamwe vanongokuvarira mukati vasingataure zvavanenge vachisangana nazvo. Asi tiri kuvakurudzira kuti ngavasarambe vakanyarara, ngavataure zvavanosangana nazvo.

“Tine madzimai mamwe anouya achitaura nyaya dzakasiyana dzavanenge vachisangana nadzo mubasa. Unonzwa mumwe achiti ndakakumbirwa nhamba dzenhare nashefu kana mumwe waanoshanda naye, munhu iyeye otanga kumupfimba kana kumutumira mifananidzo asina kupfeka asi achiziva kuti mudzimai uyu akaroorwa.

“Madzimai mazhinji anosangana nazvo vamwe vanenge vachingokuvarira mukati sezvo vachida kuchengetedza mabasa avo. Asi isu tiri kuvakurudzira kuti ngavamhan’are nyaya idzi uye kana vachienda kumabasa vaende vakasununguka,” vanodaro Mai Revai.

Zvisinei, vanoti kune vanhurume vanosanganawo nekushungurudzwa kune chekuita nenyaya dzepabonde asi vachinyara kubuda pachena zvakare.

“Tine nyaya dzevanhurume vanosangana nemhirizhonga zvekare asi dambudziko ravo nderekuti havadi kubuda pachena, vanongokuvarira mukati.

“Tinovakurudzira kuti ngavabude pachena uye ngavamhan’are nyaya dzemhirizhonga nekushungurudzwa kuitira kuti dzipere,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>