Zvinoda vechidiki: Raphael Phiri

22 Jan, 2016 - 00:01 0 Views
Zvinoda vechidiki: Raphael Phiri

Kwayedza

SHASHA yenhabvu yakambotambira maWarriors neRio Tinto – Raphael Phiri – ari mubati wepagedhi anoti mutambo uyu muZimbabwe unobudirira chete kana tarenda revechidiki avo vanove vatambi vemangwana rikatsigirwa zvizere.

Kazhinji panotaurwa nezvevabati vepagedhi vakanetsa muZimbabwe, vakawanda vanomhanya kutaura mazita evatambi vakaita saBruce Grobbelaar, Japhet Muparutsa, Brenna Msiska, Gift Muzadzi nevamwe.

Asi Phiri, uyo aizivikanwa nemazita emadunhurirwa ekuti Samora kana kuti Jimmy Cliff, imwe shasha yakaita mukurumbira achibatira maWarriors sezvo akaatambira kwemakore masere.

Phiri anoti vatambi venhabvu vemazuva ano vave kumhanya kutarira zviri mberi pamwe nekutungamidza mari ivo vasati vabikwa zvakasimba.

Anoti izvi ndizvo zvinokonzera kuti vatambi vemuno vasasvike kure mumutambo uyu.

Sekutaura kwaPhiri, vatambi vakanetsa kare vakaita saye vanofanirwa kupihwa mukana wekushanda nevechidiki nekuti vane ruzivo rwakadzama rwavakawana mumutambo uyu urwo rwunobatsira zvikuru vechidiki.

“Ndinoona sekunge isu kare mutambo uyu waive mumwoyo medu, taishanda zvikuru kuti tibudirire uye tiende kure izvo zvirizvo zviri kuitika mazuva ano.

“Vatambi vatiri kuona muPremier League kana vari kumirira nyika yedu vazhinji vacho chavave kufunga vasati vaenda kure imari chete, mutambo uyu hausi mumwoyo mavo.

“Vari kumhanya kutungamidza mari vasati vapedza kubikwa zvakakwana, manje vakadaro hapana kwavanosvika.

“Isu takatamba nhabvu kare tiripo uye takazvipira kushanda nevechidiki zvekuti kana paine sangano rinoda kuti tizodzidzisa nhabvu tinoenda tichimhanya nekuti tinotoshuvira kuona nhabvu yemuno ichisimukira mune ramangwana,” akadaro Phiri.

Kunyangwe hake achiti nhabvu ichiri yakati sarirei kumashure, anoti mukana uripo wekuti isimukire asi hunge kana masangano evechidiki akawanda.

Kubvira nguva yanaPhiri, Japhet Muparutsa naGrobbelaar maWarriors haasati ambozoita mubati wepagedhi anotora jezi iri oriita rake kwechinguva chakati rebei.

Vatambi vakaita saEdmore ‘Zikeeper’ Sibanda, Washington Arubi, Tapuwa Kapini, George Chigova, Energy Murambadoro kozoti Elvis Chipezeze, Bernard Donovan naTatenda Mkuruva vose vakambopihwa mukana wekubatira maWarriors.

Phiri anoti kana masangano anosimudzira tarenda revatambi vechidiki akawanda zvinopa varairidzi venhabvu mukana wekutsvaga vatambi vanove shasha vanozomirira zvikwata zvakasiyana zvemuPSL nemaWarriors mune ramangwana.

“Zvese zvatinoda kuita senyika kuti tigobudirira munhabvu mune ramangwana zvinongodzokera panyaya imwe chete, pakave nemasangano akawanda anoshanda nevechidiki zvinoita nyore kuti tarenda revechidiki ribikwe rinyatsokukwenenzverwa.

“Tarenda rizere muZimbabwe asi kuti hatisi kufamba kwese tichisimudzira vechidiki nekuvhura masangano anovasimudzira (maacademy),” akadaro Phiri.

Zvakadaro, vamwe vatsigiri venhabvu vanogona kurangarira Phiri achitamba zvinonwisa mvura apo Rio Tinto yakakunda Zisco Steel mufainari yeChibuku Trophy mugore ra1977.

Asi chisingazivikanwe nevatsigiri ndechekuti Phiri akatamba mutambo uyu akakuvara ruwoko rwake.

“Mukutamba kwangu nhabvu handikanganwe apo patakahwina Chibuku Trophy ndichiri kutambira Rio Tinto. Mutambo uyu ndakatamba ndakakuvara ruwoko rwangu urwo rwandakange ndakuvara svondo rakadarika racho ndaenda nemaWarriors kuMozambique.

“Zvinorakidza kuti murairidzi wangu aivimba neni zvikuru zvekusvika pakunditambisa nhabvu ndakakuvara ruwoko rwangu,” akadaro Phiri.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>