Uncategorized

Zvinoita kuti munhu atame

08 May, 2020 - 00:05 0 Views

Kwayedza

DARE rino rinoda kukurukura nenyaya yekutama. Kutama kubva pane nzvimbo ine marwadzo nekuenda kune isina marwadzo kana ine marwadzo mashoma.

Zvino havasi vanhu vanotama chete, asi mhuka neshiri dzesango dzinotamawo. Mazuva ano macomputer programme anotama zvakare.

Chinhu chinosunganidza vanhu, mhuka, pamwe nezvinhu zvose zvinotama, kusagutsikana nenzvimbo yazviri panguva iyoyo, paine fungidziro yekuti zvichanogarika zviri nani kunzvimbo itsva.

Ngatitore mukomana kana musikana abva zera semuenzaniso. Vaviri ava vanotama kubva kumba kwevabereki vavo vachinotangisa musha wavo mutsva vaine fungidziro yekuti vachagara zvakanaka kupfuura zvavari nhasi uno. Asi tinoziva tose kuti nedzimwe nguva vaviri ava vanogona kutama zvakare vakaona hugaro hwavo husingavafadze, votsvaga zvimwe zvingavagutse.

Ngatiende zvakare pamusha paveswa moto nokuti kwatonhora. Gare-gare vanhu vakakomba choto vanosuduruka zvishoma nezvishoma kana moto wabatira zvakasimba pava nerimi rawo.

Ndizvo zvimwe chetezvo nepabasa. Kana muhoro ukaita mushoma, vanhu vanotama nokutsvaga kunobhadhara zviri nani. Kana mukuru webasa achitaurisa kana kushungurudza, vanhu vanotama pabasapo votsvaga kumwe vaine chivimbo chokuti havasangane nemukuru webasa ane pamuromo paHaruna zvakare.

Tikafamba zvakare nenyaya yekutama iyi, vamwe vanotama mumusha mavakarerwa vachienda kure nevadiwa vavo pamusana pemitauro inosimuka pahukama hwavo. Vamwe vanotya kuti vangazosvika pakugura hukama hwavo nehama kana vakaramba vagere padyo navo, saka kusuduruka kunovabatsira kuchengetedza hukama hwavo.

Vamwewo ndivo vanotama nokuda kwasabhuku mumusha, nokuti pachida sabhuku uyu akaoma mwoyo zvekuti vatami vanoona seasingagone kudzora mwoyo wake pazvinhu zvinokosheswa. Vamwewo vanotiza huori chaihwo nekutya kuti vangatadze kurera vana vavo zvakanaka mutsika nemagariro avanokoshesa.

Chenjedzo:

Kubva pasi chigare, shiri nemhuka pamwe nevanhu vanotiza nzara, chando, moto, vavhimi, nezvimwe zvakawanda munzvimbo dzavakajaira, vachienda kunzvimbo dzavasingazive, pachida kune dzimwe nyika. Zvino todiiko kana vamwe vanotiza varivo vane hunyanzvi hwekusimudzira musha wedu? Mumutauro wevapwere vedu wanhasi vanoti ivo ndivo vane yese. Nokudaro isu tine yese ngatitsvage zvinoita kuti vatigere navo vasatsvage nzira dzekutama nadzo. Vakatama musha unoita dongo. Musha wedu, dunhu redu, kambani yedu pamwechete nenyika yedu zvinoda kushandirwa kuti zvisaite matongo.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; ne BA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>