Zvinoitwa nevatambi pazororo…Ndinenge ndiine mhuri: Zvirekwi…Handina zororo: Dauda…Ndichaenda kuDubai: Katsande

09 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
Zvinoitwa nevatambi pazororo…Ndinenge ndiine mhuri: Zvirekwi…Handina zororo: Dauda…Ndichaenda kuDubai: Katsande Denisi Dauda

Kwayedza

Abel Ndooka
KANA vatambi venhabvu vanotambira zvikwata zvemuno nezvekunze kwenyika vari pazororo apo mwaka wemutambo uyu unenge wapera vanenge vachimboitei chaizvo?

Uyu mubvunzo unogara uri pamiromo yevatsigiri venhabvu vakawanda gore negore. Mwaka weCastle Premiership uchatanga munguva pfupi inotevera uye zvikwata zvakawanda zvakatotanga gadziriro yazvo.

Hardlife Zvirekwi

Kwayedza svondo rino yakaita  hurukuro nevamwe vatambi ichida kunzwa kuti panguva yavanenge vakazororora vanenge vachiitei. Mutambi weCAPS United nemaWarriors Hardlife Zvirekwi – uyo akahwina mubairo weSoccer Star of the Year gore rapera – anoti nguva zhinji kana akazorora anoda chaizvo kumboswera ari kumba kwake achiona mafirimu pamwe nekutandara nemhuri yake achitamba nevana.

“Iyi ndiyo nguva chaiyo yandinombowana mukana wekuzorora nemhuri yangu ndombotambawo nevana uye tichiswera tichiona zvedu mafirimu,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti dzimwe nguva anomboenda kunzvimbo dzakasiyana dzemafaro ombonofurwa nemhepo hake kana kumboshanya nemhuri yake kunzvimbo dzinoyevedza.

“Kufurwa nemhepo kunodiwa chaizvo uye ini ndinomboenda kunzvimbo dzinoyevedza kune mafaro kuti ndimbofurwa nemhepo. Nemhuri yangu tinombofamba zvedu tichishanyira nzvimbo dzakaita seVictoria Falls uye neVumba Mountains tichimbofara nekuyemura runako ruri munyika yedu,” anodaro Zvirekwi.

Mutambi weYadah Stars nemaWarriors zvakare, Dennis Dauda, anoti haazive chinonzi zororo sezvo pese panopera mwaka ndipo paanotanga kugadzirira mwaka unotevera.

Dauda anoti zororo rake richazouya apo paachasendeka shangu dzake dzekutamba nhabvu. Anoti iye zvino ari kushanda nesimba kuti mwaka uno azohwina mubairo weSoccer Star zvakare sezvaakaita mugore ra2014.

“Handina chinonzi zororo kwandiri nekuti nguva yacho haipo, zororo rangu richazouya kana ndasendeka shangu dzangu dzenhabvu uye pakapera mwaka wegore ra2017 ndakabva ndatanga kugadzirira mwaka uno watakatarisa.

“Kana uchida kuenda kure mumutambo uyu unotofanirwa kusevenza nesimba, pasina izvozvo hapana chinobuda,” anodaro.

Asi Dauda anoti kana ane mhuri yake vanofarira zvavo kuswera vari pamba vachiona mafirimu chete.

“Nemhuri yangu nguva zhinji tinoswera tiri kumba takatandara hedu tichiona mafirimu. Handisi munhu anofarira zvekufamba-famba sitereki,” anodaro.

Vamwe vatambi vanotambira kunze kwenyika vakaita saWillard Katsande, Khama Billiat, Cuthbert Malajila naKudakwashe Mahachi kana vari pazororo vanouya munyika muno kuzoona hama neshamwari sezvo vanenge vapedza nguva ndefu vasina kuonana navo. Malajila, uyo ari kutambira nhabvu yake kuSouth Africa, kazhinji paanouya kuzororo anenge ari kuKadoma achirairidza nhabvu chikwata chake cheCUMA Academy icho chiri muDivision 2. Anoti chikwata chake ichi chinomukoshera zvikuru sezvo chichibika vatambi vemangwana.

“Kazhinji pandinozorora ndinodzoka muZimbabwe ndozoona hama dzangu kuKadoma uye ndombowana nguva yekuenda kunoona chikwata changu icho chinokwikwidza muDivision 2. Ndinoda kuona vatambi vemangwana vachibikwa uye ndizvo zvinondikoshera kupa mukana kune vamwe vatambi remangwana ravo rigojeka,” anodaro Malajila.

Katsande – uyo aimbove kaputeni wemaWarriors – ane mutambo waanoronga gore negore paanenge ari pazororo unonzi Willard Katsande Under 18 Tournament. Katsande anoti anombowana nguva yekuzorora pamwe nekushanyira dzimwe nyika apo anenge asingatambe nhabvu.

“Ndinoshanya kune dzimwe nyika kwesvondo rose kuitira kuti ndimbofurwawo nemhepo uye pazororo rino ndichaenda kuDubai,” anodaro Katsande.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>