Uncategorized

Zvinongoda kurerutsa rurimi

10 Jul, 2020 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Bembera naWedzerai Nhemachena

SADZA rikakoresa rinonetsa kumedza. Gejo rikadzikisa mombe dzakabopwa hadzigone kurikakata. Munyu ukawandisa mumuriwo haudyike, uye svutugadzike ikawandisa tsvigiri hainwike.

Aya ndiwo mafambiro anoita mwero wezvinhu zvakawanda muupenyu hwevanhu, hazvidi kuwanziswa.

Ndinoshamisika kuti nekudzidza kwatakaita madzimbahwe, ko tinorasika papi kuti zvatanyora muhurongwa hwedu zvisabudirire nguva zhinji. Mhinduro ndakaiwana mukuti tinonyanyodzikisa gejo muzvinyorwa zvedu zvekuti vanoshandisa magwaro edu vanotadza kuarerutsa kuti ashandisike nevatinotungamira.

Ndakatarisazve vanhu vekuChina ndikaona kuti vanopembedza mutauro wavo wavanonyatsonzwa, vekuJapan ndizvo zvimwe chetezvo, vekuFrance murongwa mumwe chetewo.

Ndakaonazve kuti zvinoreruka kushandisa rurimi rwaamai nokuti hatitore nguva kubata zviri kukurukurwa pamatare akasiyana.

Vanoshanda mabasa emaoko, vanova ndivo vanoita kuti nyika ibudirire zvatinoona vakafanana nevatyairi, mabhiridha, makanika, varimi, vanotsvaira mumugwagwa, vanogadzira migwagwa, vanoruka misoro, vanoda kurerutsirwa rurimi rwunovaudza zvekuita mukushanda kwavo. Vakashandisirwa chirungu chepamusoro chekushamisira muverengi sekumayunivhesiti kana makoreji makuru, hapana chinobuda ipapo nokuti vanotadza kunzwa zviri kudiwa.

Basa hariitwe nekudzika-dzika kwerurimi aiwa, asi kurerutsa rurimi ndiko kunoita kuti vashandi vanzwisise zvinoda kuitwa.

Vashandi vakakundikana kunzwisisa zvinodiwa kana vari vemuchipatara vanouraya varwere, kana vari vanogadzira misoro, madzimai anotsva misoro vakadonha vhudzi rose zvakare kana rurimi rwukarema.

Zvinotarisirwa vashandi kuti vaite zvinonyanyonzwika nekubudirira kana zvinyorwa izvi zviri mururimi rwakareruka, nyanye kana rwuri rurimi rwaamai. Rurimi rwaamai harudi dudziro yakanyanya pane rurimi rwemamwe marudzi sezvakaita sechirungu.

CHENJEDZO: Nechikonzero chekuti rurimi rwadzamiswa, zvikuru chirungu rwunoda kushandiswa nevanhu vasiri varungu munyika yedu vachishora rurimi rwedu serweShona vachiti rwakasara, vazhinji vanozviti vanogona rurimi rwevamwe urwu, vanodudzira chirungucho nenzira dzakasiyana. Izvi zvinoita kuti basa rinoda kuitwa, harichaitwa nemazvo.

Dare rino rinoti ngatingwarire kutaura mutauro wevamwe tichishandisa chirungu chakadzama chisinganzwikwe neruzhinji. Tikataura zvakadzika-dzika zvatinonzwa isu tega, tinetenge totaura tega. Zvino kana munhu achitaura ega vamwe vanoti pfungwa dzake dzabhiridha sezviya zvinoitwa nemombe dzakabopwa.

Kunyika dzevarungu havataure chirungu chakadzika-dzika, asi chakareruka kuti basa rigone kuitwa pasina muturikiri.

Ko isu tisu tave kugona kutaura chirungu kudarika varidzi vacho here? Ngatifarireyi rurimi rwedu, tifarirezve kurerutsa mutauro kuti basa rigone kuitwa pasina kuzotsvaga muturikiri.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; ne BA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe.

Share This:

Sponsored Links