Uncategorized

Zviri kudiwa ne’lockdown’

05 Jan, 2021 - 11:01 0 Views
Zviri kudiwa ne’lockdown’ Acting President Mohadi

Kwayedza

Munyori weKwayedza

HURUMENDE yazivisa nezvekudzikwa kwemutemo wekusimbaradzwa kwematanho ekuedza kumisa kupararira kwechirwere cheCivid-19 kutanga izvozvi.

Pasi pemutemo weStatutory Instrument 10 of 2021, Public Health (Covid-19 Prevention, Containment and Treatment) (National Lockdown) (No 2) (Amendment) Order 2021 (No 9), Zimbabwe yakabva pachidanho cheLevel Two chekurwisa denda iri kudzokera paLevel Four kwemazuva 30 anotevera.

Chidanho cheLevel Four ndechapamusoro-soro maringe nenyaya yekurwisa Covid-19.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika vari zvakare gurukota rezveutano nekurerwa kwevana Vice President Constantino Chiwenga vanoti izvi zvakonzerwa nekukwira kuri kuita huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi pamwe chete nevari kufa.

Kutanga zvino, vanhu vave kumbogara kudzimba kwemazuva 30.

Vanoshanda mabasa anokoshesesa bedzi ndivo vacharamba vachishanda apo vamwe vose vachambovhara.

Vanhu havachatenderwa kudarika 30 parufu uye mamwe magungano ose ambomiswa.

Michato hakuchisina, mabhawa nedzimwe nzvimbo dzekudyira nekutandarira dzamiswa kushanda kwemazuva 30.

Veruzhinji vanokurudzirwa kupfeka mamasiki nemazvo, vorega kuita chitsokitsoko, vachigeza nekuzora mawoko mushonga unobvisa nekuuraya hutachiwana uye kuongororwa kudziya kwemuviri.

Chikamu chezvemigodhi nechekurima zvicharamba zvichishanda.

Mabhizimisi anenge achishanda achavhurwa na8 dzemangwanani ovharwa na3 masikati.

Veruzhinji vanofanirwa kugara kudzimba vobuda bedzi pakunotenga chikafu nemishonga yekurapa.

Vanhu havatenderwe kufamba kunze kubva na6 dzemanheru kusvika na6 dzemangwanani.

Ndege dzicharamba dzichifamba uye vana vari kudzokera kuchikoro izvozvi ndeavo vari kunyora bvunzo bedzi.

Vanobuda munyika vachinotenga nekutengesa zvinhu vamiswa kunze kweavo vanenge vakatakura zvinokosha bedzi.

Mabhawa nedzimwe nzvimbo dzekudyira nekutandarira dzicharamba dzakavharwa kwemazuva 30.

Vakafanobata chigaro chemutungamiriri wenyika Acting President Kembo Mohadi vanoti vabati vezvemutemo vachange vachiona kuti veruzhinji vatevedzera matanho ekurwisa chirwere ichi.

Vachitaura kuvatori venhau nemusi weSvondo, Acting President Mohadi vanoyambira nhubu dziri kupa vanhu magwaro eCovid-19 emanyepo kuti kana vakabatwa vacharangwa zvakasimba nemutemo.

“Vabati vedu vezvemutemo, vezveutano nevakuru vezvikoro vacharamba vachiona kuti matanho ezvinofanirwa kutevedzwa atevedzwa nemazvo nechinangwa chekuchengetedza vanhu vose. Vachaona kuti mitemo iyi yatevedzwa panguva yakatarwa,” vanodaro.

Vanokurudzira vemabhizimisi ari kutenderwa kunge achishanda kuti vaone kuti panzvimbo dzavanoshandira hapaungane vanhu.

Kusvika nemusi weSvondo, vanhu 15 265 vakange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 muZimbabwe.

 

Pavarwere ava, 11 574 vakatopona asi vamwe 380 vakafa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>