Zviri maererano neCovid itsva

01 Jan, 2021 - 01:01 0 Views
Zviri maererano  neCovid itsva Dr Mangwiro

Kwayedza

Patrick Chitumba

VANHU vemuZimbabwe vari kukurudzirwa kuti varambe vachitevedzera matanho akatarwa neHurumende ekuedza kumisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 zvichitevera kunyuka kwemhando itsva yedenda iri kunyika yeSouth Africa nedzimwe.

Mhando itsva yeCovid-19, iyo inoratidza kuti inogona kutapuriranwa nekukasika, yakanyuka kuSouth Africa uye inonzi ndiyo honzeri yevanhu vakawanda vari kubatwa nechirwere ichi kunyika yakavakidzana neZimbabwe iyi.

Kunyangwe zvazvo mhando itsva yeCovid-19 yakanyuka kuSouth Africa ichiratidza kuti yakazvimiririra, ine mamwe maitiro anooneka kuti yakada kufanana neyakanyuka zvakare kuUnited Kindgom iyo vanamazvikokota vezvesainzi vanoti inotapuriranwa nekukasika uye izvi zvaona nyika dzakawanda dzichikurudzira zvizvarwa zvadzo kuti zvimbomira kushanyira kuBritain.

Gurukota rezveutano kuSouth Africa, Zweli Mkhize, vanoti mhando itsva yeCovid-19 iyi ndiyo iri kukonzera kuwanda kwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi, kunyanya vechidiki, uye vanamazvikokota vezvesainzi vachiri kuongorora nekudzidza pamusoro payo.

Zvichitevera kunyuka kwemhando itsva yeCovid-19 iyi, mutevedzeri wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr John Mangwiro, vanoti zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachitevedzera matanho akatarwa ekurwisa denda iri.

Vanoti veruzhinji vanofanirwa kugara vakangwarira nguva dzose, vachipfeka mamasiki nenzira kwayo, vokoshesa nyaya dzehutsanana uye vorega kuita chitsokotsoko.

“Zvinofanirwa kuitwa nevanhu vedu takatarisana nekunyuka kwemhando itsva yeCovid-19 kunyika dzakadai seSouth Africa, kutevedzera nemazvo matanho eutano akatarwa,” vanodaro Dr Mangwiro.

Vanokurudzira veruzhinji kuti vamhan’are kumapurisa munhu wose wavanoona asingatevedzere matanho akatarwa ekurwisa chirwere ichi.

“Tose tinofanirwa kugara tichichengetedzana, mhan’arai chose chamunoona munharaunda apo vanhu vanenge vachityora mitemo yekurwisa Covid-19,” vanodaro Dr Mangwiro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>