Uncategorized

Zviri pachena seroadblock

15 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

CHOKWADI ine nhamo nenhunzi mombe isina muswe. Nhai vanhu vatema huroyi uhwo, huroyi, huroyi tinohudii kana husingapururudzirwe? Tinohudii kana husingaitirwe field day kana zuva rekuhupemberera? Ndinozviziva kuti variko vakapa imbwa dzavo mazita ekuti Muroyindishe, asi muroyi ndishe waani?Vanhu vedu vaiti chinovanzwa huroyi, asi huhurudza hauvigwe. Kana ukangoona chete wave kufarira kuvenga nekutsvaga kurwadzisa vamwe, uchenjere kuti watotanga kufamba munzira yekwaMuroyi.

Kwayedza yesvondo rakapera yaive nenyaya dzevakadzi vaviri vakanga vachitaura kushungurudzwa kwavari kuitwa nemweya yehuroyi. Mumwe wevakadzi ava akanga achichema achida kuzviuraya nekuti aiti aneta nekuyamwiwa nenyoka. Mumwewo ndiye aiti aiitwa mukadzi negudo nedzimwe mhuka.

Varoyi vanoshandira Satani. Jesu anoti Satani akanga ari muurayi kubva pakutanga. Haamiri muchokwadi nekuti maari hamuna chokwadi. Kana achinyepa, anenge achitaura zvinhu zvake nekuti iye ndewemanyepo uye ari baba vemanyepo.

Kubva kare, varoyi vaisadiwa munzvimbo. Ndizvo zvaiita kuti vanhu vazoti, “Muroyi royera kure, kuti vemuzinda vagokureverera.” MuBhaibheri, mambo ainzi Manase akatukirwa hunhu hwakaipa hwaakaita, kusanganisira kuroya.

Zvinonzi Manase akapisa vana vake sechibayiro, akabvuma mashura, akashandisa huroyi, masvikiro nevanohaka mweya yevanhu. Bhaibheri rinoti akaita zvakaipa zvizhinji pamberi paJehovha, akatsamwisa Jehovha. Nemiwo vanhu vanotuma nyoka dzavo kuti dziyamwe vakadzi, nevanotuma mweya yavo kuti inorara nevakadzi muri kuita vanhu vakasikwa nemufananidzo waMwari zvibayiro zverima.

Mwari havafare nazvo!

Pasina kuti Mwari havafare nezvakadai, vanotaura kuti vanhu vanoroya havana nhaka yehushe hwavo. Iye muroyi kana achifadzwa nekurwadzisa nekukuvadza vanhu vasina mhosva, haanei nezvedenga raMwari. Huroyi hunoparadza nekuparadzanisa. Huroyi hunomutsa ruvengo nekuita kuti vanhu vadyirwe mari nanatsikamutanda nemaporofita nen’anga. Huroyi hausisiri mufashoni mhani!

Kutorarama uchichengeta nyoka, mazizi, mapere nemakudo ivo vamwe vachichengeta shoko raMwari, vachiGugula nekuenda paWhatsApp?

Varoyi vanhu vakakundikana muhupenyu vave kutsvaga simba mune dzimwe nzvimbo. Asi kana tikavatorera huroyi hwavo, vanosara vafanana nababa vavo Satani asina chinhu kunze kwemanyepo nehutsinye.

Simba nenjere dzevaroyi ndezvemagwara asingakwanise kutarisana nevanhu pachena. Huroyi hunoramba huchitidzosera kumashure sevanhu vatema. Huroyi haisi nhaka yekusiira vana vako kana chero mumwe munhu.

Hatirambe zvedu kuti huroyi hwakazara muvanhu, asi magumo ehuroyi haana rugare.

Mumwe muroyi akatambudzika kuti afe. Aiti akafa, vanhu pavanenge vave kuti afa, obva amuka. Akatambura zvekuti akazofa mushure mekunge areurura zvinhu zvinotyisa zvaakaita.

Zvino kana ukaona uchirambwa nerufu chairwo, pakaoma ipapo. Bhaibheri rinotaura kuti huroyi hucharamba huchiitwa kusvikira pakuguma kwenyika, uye vazhinji vachanyengedzwa nesimba rehuroyi vagopedzisira naivo vapindawo muhuroyi. Asi kuna Zvakazarurwa kwakanyorwa kuti varoyi havapinde muJerusarema idzva.

Zviri pachena seroadblock kuti huroyi haudiwe naMwari. Asi chinokwezva vanhu kuhuroyi isimba nehuchenjeri hwazvinopa panyika pano. Izvozvo ndizvo zvinopa muroyi manyemwe.

Asika, vanhu pavakasikwa naMwari haana kuti shandisiranai mishonga, asi akati shandai nekuti Mwari ndiye akave mushandi wekutanga achisika denga nenyika.

Saka simba redu nehuchenjeri zvinobva kuna Mwari kwete kumweya yembwa nenyoka. Simba raMwari rakakurisisa kudarika simba rehuroyi kana hun’anga kana zviporofita!

Share This:

Sponsored Links