Zvirongwa zvowanisa vakomana chenjedzo

08 Feb, 2022 - 15:02 0 Views
Zvirongwa zvowanisa  vakomana chenjedzo Nhengo dzeBrother to Brother

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VAKOMANA vechidiki vemunzvimbo dzakasiyana dzenyika dzinosanganisira kuKaroi – avo vanova nhengo dzesangano reBrother to Brother rinoshanda pamwe neNational AIDS Council (NAC) – vari kubatsirikana nezvirongwa zvemitambo yekusimbisa muviri nekufundiswa maringe nenyaya dzekushungurudzwa panguva ino yekurwisa chirwere cheCovid-19.

Sangano iri rinoshanda nevana vane mazera anobvira pamakore gumi kusvika pamakumi maviri ekuberekwa.

Munguva pfupi yadarika, Kwayedza yakashanyira chimwe chezvikwata zvevakomana ava kuKaroi ndokuita hurukuro navo.

“Isu sevanakomana, tiri kusangana nematambudziko ekurohwa, kutukwa, kunyimwa chikafu uye kushungurudzwa nenzira yebonde, zvikuru munguva ino yekurwisa denda reCovid-19. Asi vashoma vanokwanisa kubuda pachena nekuda kwekuti vanhu vanenge vachitishungurudza ndevehukama avo vatinogara navo vachitipa chikafu nezvimwe zvinodiwa muupenyu.

“Zvisinei, kuburikidza nesangano reBrother to Brother apo tinopangwa mazano, tiri kuvhurika mupfungwa, zvekuti vamwe vava kubudawo pachena maringe nezvavari kuitwa mungava mudzimba, kwavanotamba kana muzvikoro,” anodaro Simbarashe (harizi zita rake chairo) uyo ane makore 10 okuberekwa.

Mashoko ake anotsinhirwa naTanotenda (14) achiti, “Kushungurudzwa kwemwanakomana kunogona kuita kuti vamwe vapedzisire vava kutora zvinodhaka nekuita nhinhi nekuda kwekuti vanenge vapingudzwa nevanhu vakuru avo vanovashungurudza.”

James Munashe anova murongi kusangano reBrother to Brother anoti vechidiki vanoda rutsigiro rwakasimba.

“Takaona dambudziko rekutora zvinodhaka rakakura mukati mevechidiki, zvikuru munguva ino yeCovid-19. Ndiko kusaka takati regai tiumbe sangano iri tichitaura navo maringe nematambudziko avanosangana nawo tione kuti vangabatsirikana sei mushure meongororo.

“Tinovaitisawo mitambo yenhabvu nekumhanya kuti vasimbise miviri yavo uye kuwana nguva dzekuvaraidzwa zvinova zvinobatsira mukuderedza nyaya dzekutora zvinodhaka nekuti pavanobva pano vanenge vaneta vonorara saka nguva yekufunga zvekudhakwa kana kuita mimwe misikanzwa inoita shoma,” anodaro.

Mutemo weChildren’s Act Chapter 5:06 unotaura kuti vana vose vanoda chengetedzo pasina rusarura rwekuti vakomana here kana kuti vasikana.

Munguva pfupi yadarika, sangano reFamily for Every Child – kuburikidza neOrphans Support Trust of Zimbabwe (FOST) – vakaparura bhuku riri maringe nekushungurudzwa kuri kusanganikwa nako nevanakomana munharaunda dzakatsaukana dzenyika nedonzvo rekuti Hurumende nemamwe mapoka akazvimiririra vasimbaradze zvirongwa zvekutsigira vana ivava panhau yekodzero dzavo pamwe nekuvapa chenjedzo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>