Zvirwere zvorapwa pachena

07 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
Zvirwere zvorapwa pachena

Kwayedza

HURUMENDE, yakabatana nevamwe vatsigiri, yakatanga chirongwa chekudzivirira nekurapa chirwere che”bilharzia” muzvikoro uyewo nezvimwe zvakadai seche”elepantiasis”, “trachoma” ne”sleeping sickness”.Muhurukuro neKwayedza svondo rino, mukuru anoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere munyika kubazi rezveutano nekurerwa kwevana (Director of Epidemiology and Disease Coontrol), Dr Portia Manangazira, vanoti Hurumende pamwe chete nevatsigiri vakaita ongororo maringe nezvirwere zvinonyanya kushungurudza vanhu.

“Takaita ongororo iyi tikaona kuti nyika ino inonyanya kutambudzwa nezvirwere zvinosanganisira bilharzia, elepantiasis (kuzvimba kwemakumbo kwakanyanya), trachoma (kuvharika kwemaziso), African sleeping sickness iyo inokonzerwa nemhando yenhunzi inodaidzwa kuti tsetse fly,” vanodaro.

Vanoti vakaona zvakare kuti zvirwere zvizhinji zviri kutapuriranwa zvichibva kumhuka zvichienda kuvanhu kana kuti zvichibva kuvanhu zvichienda kumhuka.

“Asi zviri nyore kurapika kana zvichiri kumhuka pane kunge zvave kuvanhu. Mishonga yacho inenge yave kudhura kana kushaikwa,” vanodaro Dr Manangazira.

Vanoti zvirwere izvi, vanhu vazhinji havaiti hanya yekuti vanozvirapisa zvisati zvadzika midzi zvinova zvinoita kuti vagumisire vave kurasikirwa nemitezo yemuviri.

Vanoti bilharzia kana ikagara kwemakore mazhinji isina kurapwa, munhu anogona kupedzisira ave kuvhiiwa dundiro (bladder) richibviswa kana kuguma ave negomarara.

“Varapi vedu vari kufamba muzvikoro zviri mumatunhu ose vachipa mishonga kuvana vechikoro yekurapa bilharzia.

‘‘Zvekuti pari zvino munyika mose tave pachikamu che46% chevana vapihwa mishonga iyi apowo kurapwa kwemahwemisi (worms) kwave pa63%.”

Dr Manangazira vanoti vanhu vari munharaunda vanofanira kufundiswa nezvekukosha kwekurapwa kwezvirwere izvi pane kuti vangotyira kure.

“Kune vamwe vanhu vanongoramba kurapwa vachipa zvikonzero zvakasiyana sezvitendero zvavo vamwe vachiti vari pamitsanyo kana kungoshaya hanya neutano hwavo zvinova zvine njodzi huru,” vanodaro.

Dr Manangazira vanoti bilharzia ine zviratidzo zvinosanganisira kubuda ropa mushure mekurasa mvura kana kuita tsvina ine makonye anenge achitoonekwa.

“Ndiko kusaka tiri kupa mapiritsi aya muzvikoro kuti vana vabatsirikane pautano hwavo. Mishonga iyi inofanira kutorwa nevanhu vanenge vatanga vadya nekuti ine simba rakanyanya uye mushure mekutora mishonga iyi munhu anofanira kuwana nguva yekuzorora.

Kune vanenge vari pamitsanyo, vanogona kutora mapiritsi aya vozonwa mushure mekupedza minamato yavo nekuti vana havafaniri kupfuurwa nechirongwa ichi,” vanodaro.

Vanoti vamwe zvinogona kuzovadhurira apo vanozoenda kuzvipatara kunorapwa uye zvizhinji hazvina mishonga yakakwana nekuda kwekuoma kweupfumi hwenyika.

Kwayedza yakashanyira chikoro cheTasimukira Primary School chiri kuChitungwiza munguva pfupi yadarika yakawana vana vepo vari mushishi kupihwa mapiritsi aya.

Vana vashoma ndivo vairamba mapiritsi aya vachiti vakange vari pamutsanyo.

Dr Manangazira vanoti zvimwe zvezvirwere izvi zviri kuramba zvichitekeshera nekuda kwekushaya hutsanana mudzimba nemunharaunda.

“Kushaikwa kwehutsanana kunokonzera kunyuka kwezvirwere. Vanhu vanofanira kugara munzvimbo dzine mvura, zvimbudzi nehutsanana hwakanaka kuti vange vachidzinga zvirwere mavari,” vanodaro.

Vanowedzera vachiti mumatunhu ose enyika, vanhu varapwa chirwere chebilharzia chikamu che46% apo chemakonye i63%.

Munguva pfupi inotevera, vanodaro Dr Manangazira, vari kutarisira kuenda kunzvimbo yeBinga kunorapa chirwere chetrachoma.

Chirwere ichi chinokonzera kupera kwetsiye dzichipinda mukati memaziso zvekusvika pakuvharika kwawo. Tsiye kana dzichinge dzapinda mukati meziso, dzinomara dzichikonzera maronda zvekuti maziso anogona kutoguma asisaoni zvachose.

“Kugeza kumeso kunobatsira kuti vanhu vasabatwa nechirwere ichi nekuti kana kumeso kusina kugezwa, nhunzi dzinowanikwa dzichimhara nekusiya tsvina inouraya mboni yeziso,” vanodaro Dr Manangazira.

Vanoti vari kurapa varwere zvichifambirana nemitemo yeWorld Health Organisation 2012 Guidelines zvinoita kuti zviitwe nemazvo pasina njodzi.

“Kana munhu achinge anonoka kurapwa chirwere chetrachoma, anogona kupedzisira ave kuvhiiwa nemachiremba. Kune mamwe matunhu mapfumbamwe ane chirwere ichi asi nekuda kwekushomeka kwezvekushandisa, pari zvino tichangoita rimwe chete iri reBinga.”.

Zvakadaro, Dr Manangazira vanoti pakurapwa kwechirwere cheelephantiasis, chikamu che39% chevanhu kubva mu63% yaidiwa ndivo vakakwanisa kuwaniswa mishonga.

Votaura pamusoro pechimbwamupengo, Dr Mananganzira vanoti: “Vanhu vanofanira kushanda pamwe neveVeterinary Service kuti vabaise imbwa, kitsi, mombe nezvimwe zvipfuyo zvavo kuti pasave nekutapurirana kwezvirwere pakati vevanhu nemhuka. Svondo rino, takabva mukupemberera zuva guru reWorld Rabies Day nedonzvo rekufundisa vanhu maringe nezvechirwere ichi. Chirwere ichi chinouraya uye pasi rose munhu mumwe chete bedzi ndiye anonzi akararama mushure mekubatwa nechirwere ichi.”

Dr Manangazira vanotiwo chirwere chetungundu chinofanira kudzivirirwa sezvo chichitapuriranwa pakati pevanhu nemombe uye chichiuraya pasina nguva.

“Tinofara zvikuru nekuti tave pedyo nekusvitsa chikamu che80% chekudzivirira zvirwere izvi nekuti pari zvino tiri pa78%, ” vanodaro Dr Manangazira.

Vanoti chirongwa chekurapa uye kudzivirira zvirwere zverudzi urwu chinotevera musangano wakaitwa kuLondon mugore ra2012 apo zvakaonekwa kuti nyika zhinji dzichiri kubudirira dziri kutambudzwa nezvirwere izvi kuburikidza nekusawanisa vanhu mishonga pachena.

Share This:

Sponsored Links