Uncategorized

‘Zvishandire, kwete kungogarochema’

16 Jan, 2022 - 13:01 0 Views
‘Zvishandire, kwete  kungogarochema’

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME anogara mumusha weMbare, muguta reHarare – asi kumusha achibva kwaNyashanu, kuBuhera – anoti chirwere cheCovid-19 chamupa chidzidzo chikuru chekuti asagarire maoko izvo zvakamuona achitanga bhindauko rekusona shangu mushure mekunge nhamo yamutamba tsvina.

VaNaboth Hanyire (28) vanoti pakatanga chirwere cheCovid-19 mugore ra2020, vakaomerwa neupenyu zvekuti vakashaya kana chekudya nevabereki vavo kusvikira vakazobuda kuenda kunyika yeSouth Africa kunotsvaga cheuviri.

“Chinhu chose chakanaka chine nhoroondo inorwadza. Ndakarwadziwa nekuda kweCovid-19, ndikashaya chekudya nevabereki kumusha kuBuhera kusvikira ndakapihwa zano nevamwe rekumbozama noto kunyika yeSA. Ndakaenda ndokunoita rombo rakanaka ndikawana zvekuita, ndikazotenga muchina wekusona bhutsu rinova basa randava kuita pano paMbare,” vanodaro VaHanyire.

Vanoti vaona kuti zvinhu hazvisi kuvafambira kuSouth Africa, vakatenga muchina uyu ndokudzoka nawo kumusha kuBuhera uko vakamboedza kusona zvangu variko asi zvikasafamba zvakanaka.

“Ndaona kuti basa iri raiva pasi zvikuru, ndakazouya nemuchina wangu kuno kumusika weMbare, ndokutanga kusonera vanhu shangu dzavo,” vanodaro VaHanyire.

“Ndinosona bhutsu tsaru chete uye handishore nekuti basa riri kufamba pamusika pano sezvo pazuva rimwe chete kana basa riri shoma ndichikwanisa kuwana US$25.”

Vanoti zvakakosha kuti vanhu vasangochema vachiti upenyu hwavaomera nekuda kweCovid-19 asi kuti vatsvage mabhindauko anovapa chouviri.

“Ndaisava nemombe kana mbudzi kumusha izvo ndakatenga nekuda kwekuti ndakasundwa kushanda zvakasimba nekuda kwechirwere ichi cheCovid-19. Nguva ino yatiri yakamanikidza vanhu vakawanda kuti vaite mabasa emaoko kunova kuzvishandira.

“Ndava kuona kuti kupinda basa pakambani hakubhadhare, izvozvi vangani vanowana US$25 pazuva kubasa kwavo?” vanodaro.

Murume uyu anoti ane hurongwa hwekuzotanga kambani yake yekusona shangu kana zvinhu zvikaramba zvichimufambira.

“Izvozvi ndinoitira basa pamhene, ndinokanganiswa nezuva nekunaya kwemvura saka ndiri kutsvaga nzvimbo yekushandira muno mumusika. Nekufamba kwenguva, ndinoda kunotenga mumwe muchina wekusona wechipiri kana wechitatu ndotsvaga vamwe vanhu vandinodzidzisa kuvanin’ina kana vakoma vangu tobatsirana.”

VaHanyire vanoenderera mberi vachiti, “Kunze kwekusona shangu, ndinosonawo mabhegi evana vechikoro neevanhu vakuru, matende emudzimba nezvimwe.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>