Uncategorized

‘Zvitsva here kutora mukadzi wemuridzi?’

21 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
‘Zvitsva here kutora  mukadzi wemuridzi?’

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MUPOROFITA wekunzi akanwiswa weti pajekerere neimwe mhuri yekuDomboshava senzira yekumuroyonora runyoka mushure mekunge adanana nemudzimai wemuridzi anoti hapana chinoshamisa panyaya iyi.

Madzibaba Brighton, uyo akawanikwa neKwayedza ari parufu kuDomboshava, akaviruka nehasha paakabvunzwa nezvenyaya iyi.

“Imi munoda kuziva chii panyaya iyi? Ndakatoenda kudare rasadunhu vakandipa mutongo wavo. Imi mave kuda kuziva chii manje? Zvekunwa kwangu weti yemukadzi uyu munei nazvo? Ko uyo (kureva mutori wemifananidzo Shelton Muchena) ari kunditorera chii mufananidzo? Hamuzive kuti ndini ani kana nhoroondo yangu, muchazviona,” anodaro Madzibaba Brighton achipupa furo nehasha.

Anoenderera mberi achiti: “Regai ndishevedze vanamati vangu mutaure navo kuti manditorerei mifananidzo, imhosvaka yamaita iyi. Chinoshamisa chii kuti mukadzi wemunhu as*****? (hazvinyoreke) Ndevenyu here vakadzi vacho?

“Pamwe izvozvi muri ‘busy’ kunetsana neni pamwe venyu vari kus***** izvozvi.” (Achienderera kutaura zvinyadzi parufu)

Anoti akanga azvinzwa kare kuti ave nenguva achitsvagwa neKwayedza nekuda kwenyaya iyi.

“Imi mave kunditsvaga nhasi sei sadunhu vacho vasiri kunditsvaga? Muchandiguta vakomana,” anodaro Madzibaba Brighton.

Paikurukura Kwayedza naMadzibaba Brighton pakazosvika vamwe varume vana vanove vanamati vechechi yake vakapakata mazitsvimbo emishenjere vachida kurwisa vatori venhau.

Zvisinei, varume ava vakazobweza vaona kuti hapana aivabweza.

Godwishes Shamhuyedova, uyo anova akatorerwa mukadzi wake naMadzibaba Brighton, anoti haadi kuonana zvachose nemuporofita uyu.

“Murume uyu akanditadzira zvikuru, izvozvi vana vangu vave nherera. Asi mukadzi uyu handichamuda zvachose. Tainoshandirwa tose navadzimai vangu ndisingazive kuti ari kunyenga mukadzi wangu. Ndave kungoda kuti andibhadhare kundikanganisira kwaakaita kuparadza musha wangu,” anodaro Shamhuyedova.

Murume uyu akatsenga-tsenga mukanwa paakabvunzwa kuti akagadzira here mudzimai wake nemushonga werukawo.

“Zverunyoka izvo handingazive, madhara ndiwo angatozive. Baba vangu vakashaika kare. Akasangana nazvo madzibaba uyu, ndiko kuti apfidze kusiyana nekuparidza shoko omirira kudanana nemadzimai evanhu. Hamheno ndezvake izvo,” anodaro muridzi wemukadzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>