Zvitsva pamusoro pekupfeka ‘mask’

10 Oct, 2022 - 17:10 0 Views
Zvitsva pamusoro pekupfeka ‘mask’ Dr Mahomva

Kwayedza

Munyori weKwayedza

VANHU vemuZimbabwe vakabaiwa nhomba mbiri dzekudzivirira chirwere cheCovid-19 havachasungirwe kupfeka mamask paruzhinji, sezvinorehwa nemutemo mutsva uyo wakaburitswa neChishanu.

Pasi pemutemo weStatutory Instrument 169 2022, mamask acharamba achipfekwa munzvimbo dzakavharika dzinosaganisira mumabhazi.

Mutemo uyu usati wavepo, vanhu vakabaiwa nhomba dzose dziri nhatu chete ndivo vaitenderwa kuregera kupfeka mamask kana vari panzvimbo dzinosangana veruzhinji.

Chidimbu cheSI chinoti: “Kupfeka mask kumeso kunosungirwa – munzvimbo dzebasa uye dzinosangana veruzhinji kana muzvifambiso zveveruzhinji (matekisi, mabhazi, zvitima uye ndege).”

Dr Agnes Mahomva – avo vanova Chief Co-ordinator weCovid-19 mumahofisi emutungamiri wenyika nedare reCabinet – vanoti mamiriro ezvinhu maringe nekupararira kwedenda iri pari zvino akadzikama.

“Tinofara nekuva nehutungamiriri hwakasimba uye hwakazvipira, hwakapindira nekukasira denda iri parakatanga. Kushanda pamwe chete kweHurumende nenharaunda kwakabatsira mukudereredza kupararira kwechirwere ichi,” vanodaro.

Dr Mahomva vanoti huwandu hwevanhu vari kubatwa nedenda iri hwadzikira zvakanyanya kana zvichienzaniswa nepakati paZvita 2021 apo pakapedzisira kunyuka chirwere ichi.

Dr Johannes Marisa vanove mukuru wesangano reMedical and Dental Private Practitioners of Zimbabwe Association (MDPPZA) vanoti Covid-19 inotaridza kuti yave kuenda kunopera uye ndokurumbidza Hurumende nekuda kwechirongwa chakasimba chekubaya vanhu nhomba dzekudzivirira denda iri.

. Verengai dzimwe nyaya pa: www.kwayedza.co.zw

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>