Zvizere pakubaya vana nhomba

28 Feb, 2022 - 19:02 0 Views
Zvizere pakubaya vana nhomba Dr Chimedza

Kwayedza

Tandayi Motsi

BAZI reutano nekurerwa kwevana rinoti vana vane makore 12 kusvika 15 okuberekwa vari kubaiwa nhomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19 pachishandiswa mushonga wemhando yeSinopharm neSinovac uye izvi zvinotevera ongororo yakaitwa nenyanzvi dzezveutano zvikaonekwa kuti zvakakodzera kuti vemazera aya vange vachibaiwa.

Munyori mukuru mubazi iri, Dr Jasper Chimedza, vanoti sangano reMedicine Control Authority of Zimbabwe, rakatendera kuti mishonga iyi ibaiwe nhomba kune vemazera aya.

“Zvichienderana neumboo huripo hwesainzi hwakataridzwa nevanogadzira, Medicine Control Authority of Zimbabwe (MACZ), pasi peEmergency Use Authority (EUA), yatendera kushandiswa kwemishonga yenhomba yeCovid-19 yeSinopharm neSinovac.

“Nekuda kwezviri pamusoro, Hurumende yabvumidza – zvichienderana nezvinotaurwa nenyanzvi dzezveutano – kubaiwa nhomba kwevane makore 12 kusvika 15 okuberekwa kutanga izvozvi. Chirongwa ichi chichafambirana nechekubaiwa kwevane makore 16 kusvika 17 okuberekwa icho chagara chiripo, zvichienderanawo nebvumo  yevabereki,” vanodaro Dr Chimedza mugwaro ravakatumira kuvakuru vezveutano kumapurovhinzi ose enyika.

Dare reCabinet nemusi weChipiri chadarika rakabvumirana kuti vane makore 12 okuberekwa zvichikwira vabaiwe nhomba dzekudzivirira chirwere ichi zvichitevera ongororo yakaitwa nesangano rePaediatric Association of Zimbabwe.

Izvi zvinoreva kuti vana vose vekusekondari vanokwanisa kubaiwa nhomba nevamwe vekupuraimari vari kuita Grade 7.

Zimbabwe ine mushonga wenhomba unokwanirana zvichitevera kutenga kwairi kuita pamwe nekupihwa sechipo, kunyanya nenyika yeChina, kuitira kuti wose anoda kubaiwa ange achibaiwa pachena.

Izvi zvinoreva kuti hapana munhu ane makore 12 okuberekwa zvichienda mberi anonzi adzokere asina kubaiwa sezvo mushonga uripo unokwanirana.

Nyika dzakawanda dzakatotanga kubaya nhomba vana vane makore 12 okuberekwa zvichienda mberi uye dziri pakati pekuita ongororo yekuona kuti vane makore ari pasi peaya vakwanisa kubaiwawo.

Kusvika pari zvino, vanhu vanodarika 4,3 miriyoni muZimbabwe vabaiwa nhomba yekutanga (first dose) apo 3,3 miriyoni vabaiwa zvizere uye vamwe vanodarika 120 000 vabaiwa yechitatu (booster).

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>