Uncategorized

Zvoto zvine mazera

01 Jun, 2018 - 00:06 0 Views

Kwayedza

ZUVA resarudzo dzegore rino rakaziviswa nemutungamiri wenyika President Emmerson Mnangagwa, kubudikidza nezvakanyorwa mubumbiro remutemo wenyika, uyewo zvichitevera zvavakavimbisa vari kudunhu reManicaland masvondo maviri apfuura.

Vanhu vari kuenda kusarudzo musi weMuvhuro, 30 July 2018.
Yatave kupinda inguva yewasara-wasara, kusingadyiwe rinopisa.

Pamapato 128 anotarisira kukwikwidza, pane zvakawanda zvichabuda, kunyange zvazvo kuine vamwe vakatotanga kuchema kare vachiti bato rinotonga reZanu-PF richabiridzira.

Vakuru vanoti ukatsvaga makudo mugomo hauashayi, vamwewo vachiti ukatsvaga marara mugomba raabva kupiswa haushayi zvasarira. Ipfungwa dzinotambanuka, nokuti munhu wese akapfeka mweya wokukunda.

Kune rimwe divi, vana mazvikokota vari kutiudza kuti kunyange kukaitwa mibatananidzwa yemapato seweMDC Alliance inotungamirirwa naVaNelson Chamisa kana People’s Rainbow Coalition, inotungamirirwa naMai Joice Mujuru, Zanu-PF ichangohwina zvine mutsindo bedzi.

Mumwe nemumwe ane mafungiro ake, asi chinozivikanwa naMukwende ndechokuti mwedzi miviri inotevera iyi, kumakwishu.
Panokwikwidzanwa pese, wese apinda mudariro anenge achida kunzi ndiye akunda. Zvoreva kuti vachakwikwidza kutungamirira nyika, wese anenge achida kunzi ndiye awana mavhoti akawanda kupinda vese, kuti anzi President weZimbabwe.

Zvimwe chetezvo nevanokwikwidza kuve nhengo dzedare reParamende kana kuita makanzura okumaruwa kana mumadhorobha. Wese munhu anenge achida kunzi ndiye nhamba 1.

Asika, kunyange munhu wese akada kuve nhamba 1, muupenyu hazvigoni zvachose. Vamwe vanozongoipedza nokuti kusabudirira hazvirevi kuti munhu aparara zvachose, nokuti vamwe tinoda kupinda masuwo atinenge tisina kuzarurirwa, tongoda kuzvimanikidzira, pasina nzwisiso yokuti zvinorevei muupenyu.

Asi chiregai mutambo utange. Kana vaverengi musingazivi, iwoyu utori mukwende wandakatsiga. Pataimboona bhora kumaruwa kwedu tichiri vana vadiki, paipinda timu yeDivision 1 ine vana vechikoro (Grade 6 neGrade 7), vachitamba netimu yema”home defenders” yaive nevarairidzi, kusanganisira vakomana vomumaruwa.

Paizosvika pazvinoti mutambo watsvuka ropa, yave wasara-wasara. Taikuza timu yokwedu nekambo kokuti:
Wafa ihere toisa kusendere,
Woye wafa, wafa woyerere wafa;
Heha toisa kusendere wafa,
Wafa, wafa woye wafa!

Waiti ukanzwa ikaka kambo kanenge kehondo kashaurwa, woziva kuti mumwe anotobuda akuvara chete, nokuti vakomana vainge vave kutambira kuoneka chaiko.

Sarudzo ingaita zvayo sehondo, asi haisi hondo yokutukana kana kukuvadzana, vanhu vachirovana. Ihondo yokukwezva vatsigiri nemashoko okuti kana makunda vanhu muchavaiitirei, uyewo kuti ndezvipi zvamuchaita kuti Zimbabwe isimuke.
Mhirizhonga yezvamatongerwo enyika ngainzi, “Pasi nayo!”

Pasarudzo ndipo zvakare patinoda kuonesa vaya vanokwikwidza kuti zvamunoona, zvoto zvine mazera.
Zviya zvokuti nokuti dariro ravhurwa, kana neniwo ndinokwana hazvishandi. Yambiro yaMukwende ndeyokuti, zvoto zvine mazera. Harisi dhibhi rokuti mombe yese ngaipinde igezwe zvikwekwe.

Vamwe vanoda kuita vatungamiri venyika, mamhanya. Muchazviona kuti muri vanagudzamudungwe pamuchatanga kukambena, mushure mokunge mazita enyu abumwa ne”Nomination Court”. Muchaita kunge vanhu vakatakura hari izere dzungu.

Ndokusiyai muchizeya kambo kandakanzwa kachiimbwa nerimwe sangano reMapositori kokuti muti unowira kwawakarerekera. Iwe uri kupinda mudariro uri muti wakarereka kupi, uye uchawira kupi?
Muti, unowira kwawakarerekera,
Pakuwa kwawo muti, unowira kwawakarerekera!
Iyi nzira yawasarudza haiwa kufamba nayo,

Ndiyo inopa magumo oupenyu hwako!
Mhepo ikauya muti, unowira kwawakarekera,
Iyi nzira yawasarudza haiwa kufamba nayo,
Ndiyo inopa magumo oupenyu hwako.

Nzira imwe, imwe naimwe ine magumo ayo,
Pakufamba, nzira imwe, imwe naimwe ine magumo ayo;
Iyi nzira yawasarudza, haiwa kufamba nayo,
Ndiyo inopa magumo oupenyu hwako.

Kune vakwikwidzi vose, ibasa ramasarudza, asi igaroziva kuti rine magumo aro. Ngarive basa rinobatwa murunyararo, uyewo murudo. Pane vachakunda, uyewo pove nevanokundwa!

Share This:

Sponsored Links