Amai munodonhedza musika

10 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
Amai munodonhedza musika

Kwayedza

 naIgnatius Mabasa —
KUFA kwedu kuri mukuramba takanyarara ipo paine zviri kuda kugadziriswa. Kusekerera benzi rinonwa muto vamwe vachida kuseva hakutibatsire. Neniwo handidye huroyi nekunyara.

Tsika nehunhu ndizvo zvinhu zvinotiita kuti tive vanhu kwete mhuka, saka ndikaona pazvinotsveyama ndinozvitaura. Uye, kuseka tingaseke zvedu, asi jee ijee zvaro, dzihwa harigochwe.

Ini handidi vana vasina tsika nehunhu nekuti vanoita kuti imba ipedzisire yafanana nebvonyongera sevanhu vari kutengesa hembe dzemubhero paMupedzanhamo. Ngatiregei kusaziva zvatiri nekuda kwekuti pane vechidiki vari kunakidzwa nekubvarukira kunge mamvemve.

Pane nguva dzatinofarira vanoimba nekuti vanotinakidza nekutipembedza. Asiwo, hatifanire kutadza kuona nekuziva kuti vaimbi vane zvinhu zvavanenge vachitikurudzira kuti tiite.

Hakuna chimbo chinongonzi ndechemahara.

Kana vakomana veZim Dancehall vakasawana anovatsiura kuti vave kurasika, nesuwo vakuru tinenge takundikana.

Pane mukomana ane chimbo chake chandiri kunzwa kuti chanetsa paGhetto. Chimbo ichi chinoratidza kuti chakanyorwa nekurongwa nemhizha yemashoko inogona kutamba nemutauro.

Chimbo chacho chinoti:

Imi mai makanaka

Ndimi makonzera nyakanyaka

Kuita kudonhedza musika

Muchizunza mutaka.

Amai munodonhedza musika,

Vanhu vanomira ho pamunosvika.

Vanodarika mafesi anostika,

Kuita kunge nyika iri kundengendeka.

 

Amai munodhingura skero,

Mune kastep kanofizura mamero.

Ndimi muri kudhingura mafero

Hamuna kuchipa kunge bhero

Hona step nebody shape

Chamboko chewaya, baba chiwepu

Hameno type yacho kuti yakabva nepi.

Munosiya munhu wese ari happy.

 

Mavhiringidza taundi yese,

Muri kungocheukwa nemunhu wese.

Vari kushamisika ndezvenyu zvese

Amai ndimi mune yese

Yangova tsviriyo tsviriyo

Nekwamabva mhiriyo

Ndambofunga kuti zvimwe pane aba miriyoni

Imi ndimi madziya

Mavhiringidza mafia.

 

Aaaa amai munodonhedza musika . . .

Saka chimbo ichi chiri kuti kudii chaizvo? Chiri kukurudzira chii?

Munhu anonzi amai munhu akaita sei? Amai havasi musikana, asi anotori mukadzi mukuru akaroorwa. Saka kana mafero ave kutaurira vakadzi vakuru zvese zvakadai izvi, zvine hunhu here? Simba rekuti munhu ataure mashoko akadaro kumukadzi mukuru anoratidza kufumuka.

Pfungwa dziri muchimbo ichi ndedzekudenha bonde.

Hausi mutauro wandigade mumba mangu nekuti unokurudzira zvakaipa.

Kana ndikazvitarisa ndichishandisa Bhaibheri, ndidzo pfungwa dzakataurwa kuna VaRoma kuti, “Pfungwa dzinotongwa nenyama dzinovengana naMwari.” Chimbo ichi chiri kuita kuchururuka ruchiva. Asika, kana munhu uchiziva zvakanaka, unofanira kuziva kuti iyo nyama yauri kuti iri kundengendeka ichidonhedza musika, inyama, uye ichaora. Mwari vanotiyambira kuti, “Anodyarira nyama achakohwa kuora,” uye, “Nyama neropa hazvingagare nhaka yehushe hwaMwari.”

Kana ukabvunza amai vari kufamba kuti, “(Zvinhu zvandiri kuona pamuri) ndezvenyu zvese here?” uri kuda kuti chii? Uri kuda kuti vakuudze kuti vanogona kukupa zvimwe zvacho?

Handisekerere mimba yembwa seinokamwa mukaka. Handina kufarira kufumuka nehunzenza hwatiri kushambadzirwa nevechidiki.

Hunhu kune vanhu.

Dambudziko redu guru kutadza. Chii chinonzi kutadza? Kutadza chinhu chipi zvacho chatinoita, chatinotaura kana kufunga chinopesana naMwari.

Bhaibheri rinotidzidzisa kuti tese tinotadza. Kutadza kunotiparadzanisa naMwari. Mwari mutsvene uye haadi zvivi. Zvivi zvinoparadza zvinhu zvakasikwa naMwari. Murango wezvivi rufu.

Mbiri inopera, asi Jesu haapere. Ngatife kuzvivi, kuti tive vapenyu kuna Kristu. Hatingomuka tarasika, asi hunhu nemafungiro edu atinoita kwenguva refu ndiwo anotirasisa zvishoma nezvishoma.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>