MAONERO EDU: Mahwindi vava mutemo here?

10 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
MAONERO EDU: Mahwindi vava mutemo here?

Kwayedza

VERUZHINJI vagara vachinyunyuta nekuda kwehunhu hunoitwa nemamwe mahwindi kunzvimbo dzinokwirirwa mabhazi nemakombi.

Kazhinji, mahwindi anozivikanwa sevanhu vasina nyadzi uye vanoshungurudza vanhu vanenge vachizvifambira. Mahwindi ane mbiri yekushungurudza vafambi, zvikuru vechikadzi nekuvadhonza, kuvatorera mabhegi kana zvimwe zvinhu zvavanenge vainazvo vachivakwidza mumabhazi avanenge vasingade. Kune mamwe mahwindi zvakare anopedzisira obira vanhu vavanenge vachinyepera kubatsira kukwira mabhazi kana makombi.

Svondo rino tine nyaya yemahwindi ari kufamba akarembera pamakombi, mabhazi kana dzimwe motokari diki dzinozivikanwa nekuti “mushika-shika”. Mukati meguta reHarare hazvishamise kuona mahwindi anenge akarembera kunze kwemotokari diki kana kombi asi achifamba.

Sekutaura kwemahwindi aya, vanoti nhamo ndiyo inovatuma kuti varembere kunze kwemotokari idzi.

Asika uku kuisa upenyu hwavo parumananzombe nekuti vanogona kudonha vokuvara kana kutsikwa nemotokari inenge ichitevera kumashure vobva vafa. Hongu, mahwindi anogona kuita chijairira chekurembera kumashure kwemotokari dzichifamba asi izvi zvine njodzi huru.

Kana munhu akarembera pamotokari anokanganisa mutyairi kuti aone zvakanaka zvinenge zvichiitika kumashure kwayo sezvo anenge akamuvhariridza. Pamusoro pezvo, kurembera uku kunokanganisawo mutyairi anenge ari kutevera kumashure. Hwindi anenge akarembera kana akadonha akawira mumugwagwa, otsikwa nemutyairi anenge ari kumashure, mutyairi uyu ndiye anogona kupihwa mhosva yekuti atsika munhu.

Asika, chokwadi chinenge chiripo ndechekuti hwindi uyu ndiye anenge aisa upenyu hwake panjodzi nekurembera kwaanenge akaita.

Mamwe mahwindi vanotoonekwa vakarembera kumashure kwemotokari apo vanenge vakabatirira neruwoko rwumwe chete apo rwumwe runenge rwakabata zvinhu zvakasiyana semabhegi kuti zvisadonhe pamusoro pekombi. Vamwe vanenge vachitori panhare motokari ichivhevhetetswa kumhanya.  Unotoona hwindi akarembera kunze kwemotokari inenge ichifamba apa ari paWhatsApp. Tisatambe neupenyu zvakadaro!

Izvi hazvina kumbosiyana nemunhu anochera nyoka nemuromo.

Kunze kwazvo, kombi kana motokari ine huwandu hwevanhu vainosungirwa kutakura zvichireva kuti mahwindi anenge akarembera aya anowanza huwandu uhu izvo zvinogona kukonzeresa tsaona.

Dzimwe motokari dzinotofamba dzichikweshera pasi nekuda kwekuzarisa uye matayi acho anenge akapera inove njodzi zvakare kune vanenge vakatakurwa. Sezvinorehwa nemutauriri wemapurisa kuchikamu chinoona nezvemumigwagwa, Inspector Tigere Chigome, imhosva kuti munhu arembere kumashure kwemotokari ichifamba.

Asi chiri kushamisa veruzhinji ndechekuti mahwindi aya ari kuonekwa akarembera zuva rakacheka nyika, zvisinei nekuti vanenge vachipara mhosva. Zviri pachena kuti mahwindi ari kuisa upenyu hwavo pamwe nehwevamwe panjodzi nekudaro panofanirwa kutorwa matanho akakodzera.

Vafambi vave nenguva yakareba vachigunun’una nekuda kwehunhu hunoitwa nemahwindi.

Zvinotoshamisa kuti sei mahwindi ari kuregererwa achifarisa zvakadai.

Mahwindi ndiwo ave mutemo here?

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>