Mashura pagomo rekuwondomoka

17 Jul, 2014 - 17:07 0 Views
Mashura pagomo rekuwondomoka

Kwayedza

VAGARI vemubhuku raChiusika, kwaMasembura, uko kune musha wakawondomokerwa negomo rikauraya munhu mumwe chete nekufushira zvipfuyo nezvokudya gore rapera, vanoti vashaiswa rugare nechipoko chinonzi chamuka chibhebhenenga pamusha wekuparadzwa uyu.

Mhuri yekwaChiusika yakaparadzirwa musha muZhizha radarika zvichitevera kuwondomoka kwakaita gomo reZhenje zvichitevera kunaya kwemvura yakawanda iyo yaiva nedutu.

Mwedzimishoma izvi zvaitika, vagari venzvimbo iyi vanoti havachafamba usiku nekuda kwechipoko chavanoti ndecheaive baba vemhuri yekwaChiusika, VaFreddy Chiusika (69), avo vakafa mushure mekunge musha wavo wawondomokerwa negomo iri.

Marita Chiusika (38), mwana wemushakabvu, anoti ari kungonzwa kuti baba vake vari kumuka chipoko asi iye haana umboo nazvo.

“Mashoko aya ari kungofamba, kuti baba vari kumuka, asi hapana ari kunyatsoti akachiona chipoko chacho. Vamwe vari kuti paigara baba pakanga paine njuzu naizvozvo kuparadzwa kwakaitwa musha wedu inyaya yekuti njuzu iyi yakanga yagumbuka sezvo vakanga vava kushandisa zvinhu zvechirungu zvakafanana neinjini pakudiridzisa panzvimbo inoyera iyi.

“Vamwe vari kutiwo panzvimbo iyi pakambotsakatika mwana kwechinguva asi akazowanikwa. Izvi ndizvo zvandinofungidzira kuti zviri kuita kuti vanhu vataure kuti baba vedu vakafa zvine chivanhu mukati izvo zvava kuita kuti vamuke chipoko,” akadaro.

Freddy Chiusika (Jnr) (22), uyo akapona neburi retsono pakawondomoka gomo iri, anoti anongonzwa nyaya yechipoko ichitaurwa.

Anoti kune vamwe vanhu vaigara pedyo negomo iri vakatotama zvichitevera kurudziro yakaitwa nemumiriri weBindura South mudare reNational Assembly, Cde Remigious Matangira.

“Ini kubva pakaitika tsaona iyi handina zvandiri kunyatsonzwisisa kuti zviri kumbofamba sei. Vanhu vari kungoti pari kuonekwa chipoko muzasi megomo chichizodzika chichitevedza rwizi rwaChipokoteke. Asi inini handisati ndazviona.

“Pane mumwe mukadzi wataigarisana naye anonzi Mai Gororo (Mai Rosemary Chirumba (40) avo vakatotama asi chikonzero chacho handina kuchiziva. Ndakanzwa kuti MP VaMatangira vakati vanhu vese vane dzimba dziri mujinga megomo reZhenje vatame sezvo zviine njodzi,” akadaro Freddy (Jnr).

Mai Chirumba vakati zvekunzi panzvimbo iyi pari kumuka chipoko vakazvinzwa.

Vakati: “Zvekuti nzvimbo iyi inoera takangouya muno zvichitaurika asi hatina patakazvionera nemaziso edu.

“Kuondomokerwa kwakaita musha wekwaChiusika negomo takangofungawo kuti kuwandisa kwemvura asi vemunharaunda vari kuti mucherechedzo wekuti tinofanira kusuduruka munzvimbo muno sezvo muchiera.

“Inini ndakatotama kuenda nechekumusoro nekuda kwemashoko evanhu uye ndinongoremerwa kuramba ndichigara pedyo neguva remunhu akafa ndichifambidzana naye sababa vangu.

“Vamwewo vanhu vari kuti chipoko chinotofamba chichiuya nepamba pangu, saka ndakazongotyawo ndikati regai nditame. Karunyerekupe kenjuzu ndakakanzwa kubvira kare.”

Cde Matangira vakatsinhira nyaya yekuti vakakurudzira vanhu vari kugara panzvimbo iyi kuti vatame sezvo pachiera kubvira kare.

“Vanhu ava vanofanira kutama kudzokera kumatongo avo. Vakauya kuzogara panzvimbo iyi apo zvinhu zvakanga zvakaoma, vanhu vasati vapihwa ivhu ravo zvakakwana munyika.

“Panguva yakanzi ivhu rava kupihwa vanhu vakaramba vari ipapo vachiti vaida kurima matomatisi.

“Nzvimbo yavakagara inoera nekuti rwizi Chipokoteke rwunobva mubani guru rinonzi Zvenyika raMasembura uko kunorira ngoma dzisingazivikanwi kwadzinobva.

“Pedyo nerwizi pavaigara mune njuzu yaifamba ipapo nguva zhinji zvaitozivikanwa nevakuru,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>