$10 miriyoni yedzidzo

25 Nov, 2016 - 00:11 0 Views
$10 miriyoni  yedzidzo

Kwayedza

GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti bazi ravo rakaisa padivi mari inosvika $10 miriyoni iyo iri kushandiswa mukufambisa zvirongwa zvinosanganisira kupihwa kwevana zvekudya muzvikoro nekunyorwa kwegwaro idzva reNew Education Cirriculum.Vakataura mashoko aya nguva pfupi yadarika pamhemberero dzezuva revarairidzi pasi rose, reWorld Teachers Day, idzo dzakaitirwa muHarare.

“Sebazi, tiri kufara nekufambira mberi kwezvirongwa zvatakaparura mukuvandudza dzidzo. Tine mari inosvika $10 miriyoni iyo yatiri kushandisa muzvirongwa zvakasiyana zvinosanganisira kupihwa kwevana zvekudya muzvikoro nekunyorwa kwesirabhasi itsva yeNew Cirriculum,” vanodaro Cde Dokora. Vanoenderera mberi vachiti: “Ikodzero yemwana wose kuti awane dzidzo uye donzvo redu nderekuti tirambe tiri pamusoro munyaya yedzidzo muAfrica.”

Mashoko avo anotsinhirwa nemunyori mukuru mubazi iri, Dr Silvia Utete-Masango, vachiti bazi ravo riri kuenderera mberi nekuvakisa zvimwe zvikoro zvitsva nechinangwa chekusimudzira dzidzo munyika.

“Tava nemwedzi 11 tatanga chirongwa cheEducation Sector Strategic Plan. Donzvo redu nderekuvandudza dzidzo munyika nekushanda pamwe chete nemasangano nemakambani anosimudzira dzidzo,” vanodaro Dr Utete-Masango.

Chirongwa ichi chiri kuenderera mberi kusvika mugore ra2020.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>