N’anga yaroverwa bere rekudya vanhu

23 Nov, 2022 - 10:11 0 Views
N’anga yaroverwa bere rekudya vanhu

Kwayedza

Kingstone Mapupu

N’ANGA yekwaMatara, kwaMambo Nhema kuZaka, yakaitwa kafiramberi mushure mekupomerwa kuti ndiyo yakatumira bere rakaruma vanhu vatatu – murume nemudzamai wake pamwe chete navatezvara – mubhuku raMapfumo, mudunhu iri.

Mumwedzi waChikunguru gore rino, VaRobert Maroyi (43), mudzimai wavo Mai Muchanyara Munodya (43) naSekuru Rwativenga Maroyi (84) avo vanova baba vaVaRobert Maroyi – vose vachigara mubhuku raMapfumo, kwaSadunhu Dzoro – vakarumwa nebere vakakuvara.

Mai Munodya vakarumwa mawoko akadamburwa nebere iri uyewo ndokurumwa mhuno nedzimwe nhengo dzemuviri.

VaRobert Maroyi vakarumwawo mawoko vakadamburwa minwe ndokukuvadzwa mawoko apo Sekuru Maroyi vakarumwa padumbu nedzimwe nhengo dzemuviri.

Sekuru Mamutse

Pakarumwa vemhuri iyi nebere, pakambobuda mashoko ekuti vainetserana bindu nemumwe mudzimai wemunharaunda yavo uye paiva nefungidziro yekuti bere iri raiva ratumirwa.

Zvakadai, kune n’anga yakazorohwa ichinzi yakaratidza hama dzaMai Munodya girazi rehurapwa ichibuda pachena kuti ndiyo yakatumira bere iri kumhuri iyi nekuda kwechikonzero chekuti yaida kuripwa chikwereti chayo chekurapa kwayakaita mumwe wemumhuri iyi.

N’anga iyi inonzi yakarapa Mai Tariro Maroyi (34) uye yaifanirwa kupihwa mbudzi iyo isina kuzoendeswa. Sekuru Rangarirai Mamutse (48), avo vanova Sabhuku Mamutse, vekudunhu raMambo Nhema kwakare, vanotsinhira nyaya yekuti vakarohwa vachipomerwa nyaya yekuti ndivo vakatumira bere rakanoruma vemhuri iyi.

”Ichokwadi kuti ndakarwiswa nevakomana vaviri hanzvadzi dzaMuchanyara Munodya vachiti ndini ndakatumira bere rakanoruma vemhuri iyi zvichinzi ndakazviita ndichida muripo wangu wembudzi mushure mekunge ndarapa mwana wemhuri yekwaMaroyi, Tariro Maroyi.

Robert Maroyi

“Asi ini bere iri handizive kwarakabva, zviri kutaurwa handizive kuti nyaya iyi yakatangira kupi,” vanodaro Sekuru Mamutse.

Vanoti vakarohwa vari padoro.

“Zvekunzi ndakaratidza vanhu vaiva padoro girazi raiva nemifananidzo yevanhu vakarumwa nebere ava ndichiti ndini ndaiva ndatumira bere manyepo. Vemhuri yekwaMaroyi vakauya vakawanda vachida kuti ndirape mwanasikana wavo, Tariro Maroyi, aiva nechinhu chaiva chakamugara pahuro uyo ndakarapa dambudziko rake rikapera.

“Handina kuvatarira muripo, vakazotaura voga kuti vachandipa mbudzi iyo vasina kuzouya nayo. Hapana chandichada kwavari nezvava kutaurika izvi,” vanodaro.

Muchanyara Munodya

Sekuru Mamutse vanoti pavakabatsira mhuri iyi, vakazosiya tsvimbo yavo kumba kwaMai Tariro Maroyi nemurume wavo iyo yavanoti iri kuvachengeta kubva kuvavengi.

Zvakadai, Sekuru Mamutse vanoti havana kumhan’ara nyaya yekurohwa kwavo kumapurisa sezvo vachida kutaurirana nevemhuri iyi.

Mai Munodya, avo vari kurapwa vari kumba kwehanzvadzi yavo kuMasvingo, vanotsinhira nyaya yekuti n’anga iyi yakarohwa nehanzvadzi dzavo nekuda kwekuti yakataura kuti ndiyo yakatumira bere rakavaruma.

“Ini ndiri kuno kuMasvingo ndichirapwa sezvo mamwe maronda asati apora. Kubva pandakarumwa, handisati ndadzokera kumusha nekuti ndiri kutya.

“Ichokwadi kuti kune n’anga yakarohwa yaratidza hama dzangu girazi raiva nemufananidzo wangu, wemurume wangu newavatezvara ichiti ndiyo yakatumira bere rakatiruma. Hatichaziva kuti ndiye here zvechokwadi akatumira bere sekutaura kwake nekuti kune imwe nyaya yekunetsana uko takamboita pamusoro pebindu neimwe mhuri, zvino n’anga iyi iri kubuda yoga pachena,” vanodaro Mai Munodya.

VaRobert Maroyi vanotsinhirawo nyaya iyi vachiti:

“Tava nemashoko ari kutinetsa kuno ekuti n’anga yakamborapa hanzvadzi yangu, Sekuru Mamutse, vari kubuda pachena kuti ndivo vakatumira bere kuzotiruma nekuti hatina kuvapa muripo wavo wekurapa hanzvadzi yangu, Tariro Maroyi. Ichokwadi akamurapa akapora uye aifanirwa kupihwa mbudzi yake iyo isina kuendeswa asi zviri kurongwa kuti iendeswe.”

Vanoti vari kushushikana nenyaya yekuti n’anga iyi yakasiya tsvimbo yayo yemashavi kumba kwehanzvadzi yavo yairwara.

Sekuru Maroyi, mumwe wevakarumwa nebere, vanoti mashoko ari kutaurwa nen’anga iyi ava kuvatyisa nekuti havazive kuti zvichasvika kupi.

“Ndine mwana wangu Maurice Maroyi akaenda kunoona n’anga iyi mushure mekutaura kwayo mashoko ekuti ndiyo yakatumira bere rakatiruma. Madzitezvara edu vakatosvika pakumurova nekuda kwenyaya iyi.

“Tinozviziva kuti ane mbudzi yake yekurapa uko akaita mwana wangu Tariro Maroyi, iye haana kutora mbudzi yake tinayo yakatobereka,” vanodaro Sekuru Maroyi.

Mai Tariro Maroyi avo vakarapwa nen’anga iyi vanotiwo: “Mashoko ekuti Sekuru Mamutse vanoti ndivo vakatumira bere rakaruma baba nehanzvadzi yangu, kusanganisira muroora wangu takaanzwa. Ehe, vakatorohwa hamheno ivo sezvo vachitaura voga nyaya dzavo. Tsvimbo yavo iri pano.”

Zvisinei vanoramba mashoko ari kutaurwa nen’anga iyi ekuti tsvimbo iyi yakasiiwa kuti ichengete musha wavo.

“Mbudzi yavo Sekuru Mamutse iriko yatova nemwana, ichatinhwa kuendeswa kuna sekuru ava. Tinoda kunzwisisana navo panyaya iyi,” vanodaro Mai Tariro Maroyi.

VaMaurice Maroyi avo vakanotaurirana naSekuru Mamutse nekuda kwenyaya iyi nehanzvadzi dzaMai Muchanyara Munodya vanonzi vakarova n’anga iyi, havana kukwanisa kuonekwa neKwayedza kuti vapewo mativi avo.

Share This:

Sponsored Links