New Curriculum makeke – vana

14 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
New Curriculum makeke – vana

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
VAMWE vana vechikoro vari kupembedza gwaro idzva redzidzo, reNew Cirriculum, vachiti rine zvidzidzo zvakakosha muupenyu izvo zvinoita kuti vakwanise kuzozvishandira mune remangwana kuburikidza nemabhindauko akasiyana.

Kwayedza svondo rapera yakaita hurukuro nevadzidzi avo vaidzoka kubva kuzvikoro zvakasiyana zvichitevera kuvharwa kwezvikoro, vamwe vavo ndokupa mafungiro avo pamusoro peNew Curriculum uyewo nedzimwe nyaya dzinoenderana nedzidzo.

Mercy Ben, uyo ari kuita Form 5 paSt Theresa High School, kwaRusape, anoti vakatotangisa kuita zvidzidzo zviri muNew Curriculum zvinosanganisira Physcical Education (PE), Heritage Studies neHumanities.

“New Curriculum tiri kuigashira nemawoko maviri nekuti iri kurerutsa kudzidza kwedu. Saka takaitanga kare uye zvimwe zvidzidzo zvirimo zvinoita kuti tigowanawo chouviri apo tinopedza dzidzo. Inoita kuti tive vanamuzvinabhizimusi pane kumirira kupinzwa mabasa nevamwe,” anodaro Mercy.

Mashoko ake anotsinhirwa naHazvinei Mutsambwa (17), uyo anodzidza pachikoro chimwe chete ichi, achiti vari kuona shanduko huru mufundo yavo nekuda kweNew Curriculum.

Grace Mudzingenyama (13), uyo ari kuita Form 1 paFrestar College iri muHarare, anotiwo vanofara nechirongwa chitsva chedzidzo ichi.

“Tinofara neNew Curriculum nekuti paForm 1 tiri kutodzidza zvinhu zvakasiyana zvinosanganisira mabasa emawoko izvo zvinozotibatsira mune remangwana,” anodaro Grace.

Mashoko ake anotsinhirwa nemumwe waanodzidza naye – Sindisiwe Klasi (13) – achiti New Curriculum igwaro rinozarurira vadzidzi mikana yekuti vazowana mabasa pavanopedza chikoro.

“Chirongwa ichi tinoti chakangofanana neZim-Asset, nekuti chinoita kuti tikwanise kuzowana mabasa apo tinopedza chikoro. Zvakare, chinoita kuti vadzidzi varatidze hunyanzvi hwezvinhu zvavanogona kuita muupenyu.

“Tiri kudzidziswa mabasa emawoko sekusona, kubika, kurima nezvimwe zvinovaka remangwana redu,” anodaro.

Trish Musoni, uyo ari kuita Form 1 paNyahuni Adventist High, anotiwo New Cirriculum yakakosha zvikoro sezvo ichiita kuti pave nekusimudzirwa kwezvipo zvakasiyana zvinenge zviri muvadzidzi.

Zvichakadai, vamwe vana vechikoro vanoti vari mushishi kugadzirira bvunzo dzeO- neA-Level dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec), nekudaro vachakasika kudzokera kuzvikoro kuitira kuti vaite gadziriro dzakadzama nguva ichiripo.

“Isu hedu hatina kutakura mabhegi nekuti tichadzokera kuchikoro nomusi wa23 mwedzi uno kunoita gadziriro dzebvunzo dzeForm 4 idzo dzave pedyo,” anodaro Denzel Nyagumbo (16) wekuAll Souls Mission, kwaMutoko.

Mike Mutuwere (15), uyo ari kuita Form 4 zvakare pachikoro chimwe chete ichi, anoti anofara zvikuru kuti ari kuenda kuzororo uko anonosangana nehama neshamwari zvisinei nekuti achakasika kudzokera kuchikoro.

“Takanzi tidzoke nomusi wa23 Kubvumbi, saka zororo racho ipfupi asi tinozvifarira nekuti tinoda kupasa,” anodaro Mike.

Tendai Kudenga (16) anoti ari kugadzirira kunyora bvunzo dzeForm 4 uye chirongwa cheNew Curriculum chakavanzvenga.

“Isu maForm 4 hatisati tave kuita zveNew Curriculum asi maForm 1, 2, 3 ne5 vari kuita. Isu tichiri kuvavarira kunyora bvunzo saka ndinovimba kuti vakuru vezvedzidzo vakaona kuti pamwe vakachiunzira pakati, tinogona kuzokundikana kubata nguva sezvo tave pedyo nekunyora mazamanishoni. Ndiri kutarisira kupasa, saka pazororo handisi kutamba bhora kana kuona mafirimu,” anodaro achiseka zvake.

Kuchiti Nyaradzo Magwera (14) – uyo ari muForm 2 paNyahuni Adventist High, kwaMurehwa – anoti achazorora zvake.

“Ini ndichange ndiri kumba ndichibatsira vabereki vangu mamwe mabasa epamba sekukohwa chibage nezvimwe. Zvakakosha kuti timbowanawo zororo pane kuti tirambe tiri kuzvikoro kunova kure nemisha yedu,’ anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>