3 varohwa nemheni

23 Nov, 2022 - 16:11 0 Views
3 varohwa nemheni Mheni

Kwayedza

Caroline Mutsawu

VANHU vatatu – vaviri vekuLupane nemumwe wekuBinga – svondo radarika vakarohwa nemheni vakafa uye mapurisa ari kukurudzira veruzhinji kuti vasahwande pasi pemiti kana mvura ichinaya.

Pachiitiko chekutanga, vanhu vaviri vemhuri imwe yekwaSabhuku Ndimimbili kuLupane vakarohwa nemheni vakafa nemusi weSvondo apo vaive vakagara muimba yavo yekubikira.

“Mhuri yekwaMoyo, Evans (22) nemwanasikana wake ane makore matatu okuberekwa vakarohwa nemheni vakafa kuchiti mudzimai wake, Nomatter (23) akapona asi akatsva zvakaipisisa,” vanodaro vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kuMatebeleland North, Assistant Inspector Christopher Mhohoma.

Pachiitiko chechipiri chekuBinga, mudzimai ane makore 29 akarohwa nemheni akafa ari muimba yake yekubikira zvekare.

“Mushakabvu uyu, Tuuse Nyoni, ainge akagara nemwanakomana wake (5) pakatanga mvura kunaya. Vaviri ava vaive nemumwe munhu akazohwanda mvura muimba iyi. Nyoni akarohwa nemheni akagara muimba yekubikira iyi ndokubva yatanga kutsva. Mapurisa vakaenda kunoferefeta nyaya mbiri idzi,” vanodaro Asst Insp Mahohoma.

“Mapurisa ari kukurudzira veruzhinji kuona kuti vakachengetedzeka panguva yekunaya kwemvura nekusagara pasi pemiti kana muzvivakwa zvakavhurika zvakaita semagaraji, gazebo kana muzvichivanze. Muri mudzimba kana mvura ichinaya, vanhu musageze nemvura inobuda mupombi, kugeza ndiro kana kuwacha nhumbi,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links