Ndaifunga kuti ndave kufa: Tin Tin

30 Dec, 2022 - 09:12 0 Views
Ndaifunga kuti ndave kufa: Tin Tin Tinopona Katsande

Kwayedza

Sibongile Ndiweni

SHASHA yemadhirama, Tinopona “Tin Tin” Katsande, anoti akange ofunga zverufu paakatanga kuziva kuti ane chirwere chegomarara remuchibereko, asi mafungiro ake akazoshanduka paakaudzwa nemachiremba kuti denda iri rinorapika kana rikakurumidza kuvhenekwa.

Katsande akabatwa negomarara kutanga kwegore rino.

Tin Tin, uyo anove mushamarari wepanhepfenuro zvekare, ave kushandisa zita rake kushambadza nezvedenda iri iro akazivisa nezvaro munaGunyana.

Mabasa akadai haasi matsva kuna Tin Tin sezvo achishandisa dandemutande reSocial Media kuzivisa nezveutano hwesikarudzi achitaura nezveupenyu hwake pamusoro pedambudziko rechirwere che”endometriosis”.

Ichi chirwere chinotsanangurwa nekuonekwa kwezvakaita sezvinyama kunze kwechibereko uye chichikonzera kurwadziwa kwakanyanya panguva yekutevera.

Vanhukadzi vane chirwere ichi vanorwadziwa zvakanyanya panguva yekutevera uye havakwanise kushanda zvakanaka kwemazuva anoverengeka.

Muhurukuro, Tin Tin anokurudzira vanhukadzi vose munyika vane makore kubva 35 kusvika 50 okuberekwa kuti vaende kunovhenekwa gomarara nguva ichiripo.

SeHIV, Tin Tin anoti munhu akabatwa negomarara hazvirevi kuti ave kufa, asi kuti anogona kurarama upenyu hwakanaka chose.

“Pakutanga kungonzwa nezvekubatwa nechirwere ichi, ndinofunga chero munhu asiri kufunga nezvazvo anovhunduka.

“Pandakabatwa negomarara, ndakatanga kufunga kuti ndave kufa asi chiremba akandiudza kuti ndakavhenekwa nekukurumidza uye rakange richiri padanho risina kuipa, ndikabva ndadzikama.

“Kunyangwe zvazvo zvakanditorera masvondo mashoma-shoma ndisati ndazivisa vemhuri yangu neshamwari, rutsigiro rwandakawana kubva kwavari mushure mokuvazivisa rwakandisimbisa uye kundipa kutsunga kutarisana nehondo yacho. Ndakazozvizivisa kune veruzhinji senzira yekuti zvisazotaurwa nepasiripo,” anodaro.

Tin Tin anoti kunyangwe zvazvo matambudziko achiuya, Hurumende iri kuedza nepainogona kurwisa dambudziko regomarara munyika.

Anoti akaita rombo rakanaka rekukwanisa kuwana mishonga kubva kuzvipatara zvakawanda zvakazvimirira zvegomarara zviri muHarare.

“Ndinotaura izvi nguva dzose uye ndicharamba ndichitaura. Ndinotenda kuti ndiri mumwe wevane mukurumbira muZimbabwe kunyangwe ndisisiri kuwana mukana wekuonekwa neveruzhinji zvakare. Rutsigiro rwandakawana kubva kuvatsigiri rwakakura.

“PaSocial Media pangu pari kugara pakazara nemashoko akanaka uye ekukurudzira. Ndinotenda zvikuru uye ndinonamata kuti rudo rwakadai ruendeswe kune wese anorwuda,” anodaro Tin Tin.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>