Mombe 14 dzafa nemuchetura wesora

04 Jan, 2023 - 19:01 0 Views
Mombe 14 dzafa nemuchetura wesora Mombe dzakafa nemuchetura

Kwayedza

Munyori weKwayedza

MURIMI wekwasabhuku Siyaphambili kudunhu raMambo Gampu, kuTsholotsho, arasikirwa nemombe 14 idzo dzakadya sora rine muchetura rinodzaidzwa muchirungu kuti Dichapetalum cymosum kana kuti Umkhawuzane.

Dichapetalum cymosum imhando yesora rine midzi inogona kudzika mamita 20 pasi uye rinowanikwa kunyika dzekumawodzanyemba nekuchamhembe kweAfrica.

MuZimbabwe, sora iri rinowanikwa munzvimbo dzine jecha sekudunhu reMatabeleland North, Matabeleland South uyewo nekuMwenezi, kuMasvingo.

Mombe kana zvimwe zvipfuyo zvinenge zvadya sora iri zvinoonekwa nekurutsa, kushaya simba nekurova kwemoyo kwakanyanya dzichizofa mushure memaawa mashoma.

Sora iri rinozivikanwa zvikuru nekuva nemuchetura unouraya nenguva pfupi sezvo uchinzi unogara mumutumbi wechipfuyo chadya kwenguva yakareba zvinogumawo zvakonzera kufa kwevanhu vanodya nyama yezvipfuyo izvi.

 Zvinonzi kana dzingava imbwa kana zvimwe zvikara zvesango zvikadya nyama yemhuka kana mombe dzakafa nesora iri, dzinofawo.

Sora iri rinomera kazhinji munguva yemuchando kusvikira pakupera kwemwaka uyu mvura isati yava kunaya zvinoita kuti ripfumvure zvakanyanya.

Tsaona dzekufa kwemombe nemuchetura wesora iri dzinonyanya nekuda kwekuti dzinokwezvwa nekupfumvura kwakanaka kwaro dzobva dzaridya.

Muridzi wemombe idzi, VaElmore Ncube, vanoti mombe dzavo pfumbamwe dzakafa musi mumwe chete mushure mekudya sora iri apo dzimwe mombe shanu ndokuzofa zuva raitevera.

Dzimwe dzemombe idzi ina dzakasiya mhuru.

“Mombe upfumi hunochengetedzwa nevarimi vazhinji pakurarama kwevanhu vatema, kureva kuti kurasikirwa nemombe gumi neina kudzokera kumashure kukuru zvinokanganisa murimi kusvika pekupedzisira. Hapana zvandaigona kuita kunze kwekutarisa mombe dzangu dzichifa nekuti hapana mushonga unokwanisa kurapa muchetura uyu,” vanodaro VaNcube.

“Muchetura uyu unouraya mombe zvakanyanya nembudzi nehwai uyewo hauna mushonga unokwanisa kuurapa.”

Kanzura wekuWard 15, VaMorris Ndlovu, vanoti sora iri rakawanda kunharaunda yavo uko mombe dziri kufa varimi vachirasikirwa nezvipfuyo zvavo panguva iyo mvura inenge yaturuka.

Matabeleland North Provincial Veterinary Officer, Dr Felistas Ndlovu, vanokurudzira varimi kuramba vachifudza mombe dzavo nekuona kuti hadzisvike panzvimbo dzine sora iri dzorega kuridya.

“Hakuna mushonga chaiwo pari zvino unokwanisa kurapa muchetura unokonzerwa nesora reUmkhawuzane. Danho guru kudzivirira mombe nezvimwe zvipfuyo kuti zvisaende kumafuro anowanikwa sora iri kana richinge ramera mashizha matsva,” vanodaro Dr Ndlovu.

“Kubvisa sora rose remhando iyi kumafuro ndiyo chete nzira yekudzivirira zvipfuyo kuti zvisafe nekuda kwemuchetura unobva musora iri uyewo nzira dzechizvino-zvino dzekubvisa sora iri nekuchishandiswa kwemishonga kwakaonekwa kuti hakugone kushanda nekuda kwemidzi yesora iri yakadzika pasi zvikuru.”

Dr Ndlovu vanoti nzira dzekubvisa sora iri kuchishandiswa vanhu zvakaonekwawo kuti zvinopa basa rakawandisa kuchitariswa kudzika kwakaita midzi yacho.

“Kushandiswa kwemishonga yesora idanho rinogona kubatsira munguva duku. Hapana mushonga wesora wati wawanikwa unogona kushandiswa kuuraya sora iri zvachose. Danho guru chete kufudza mombe kure nekunowanikwa sora iri reUmkhawuzane.

“Zvinoda kuti varimi vatenge kumwe kudya kwavanopa mombe dzavo nezvimwe zvipfuyo kuitira kuwedzera chikafu chezvipfuyo zvavo panguva iyi. Kunze kwazvo, zvakakosha kuti varimi vaongorore hufuro hwemombe dzavo panguva iyi inowanda sora iri kuitira kudzivirira tsaona dzakadai,” Vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>