‘CALA haisi kubviswa muzvikoro’

31 May, 2023 - 16:05 0 Views
‘CALA haisi kubviswa muzvikoro’ VaTaungana Ndoro

Kwayedza

Debra Matabvu

CHIKAMU cheContinuous Assessment Learning Activities (CALA) chakakosha pazvidzidzo zvepuraimari nesekondari uye hachisi kuzobiswa, asi kuti chinogona kudzikiswa pahuwandu bedzi.

Mashoko aya akaziviswa nemutauriri webazi redzidzo yepuraimai nesekondari, VaTaungana Ndoro, zvichitevera chirongwa chiri kuitwa neHurumende chekunzwa pfungwa dzeveruzhinji pamusoro pedzidzo muZimbabwe.

Svondo rapfuura, bazi redzidzo yepuraimari nesekondari rakaita misangano yekuongorora dzidzo munyika yose.

Chinangwa chaive chekuongorora kutambirwa kwegwaro redzidzo rakaunzwa muna2015.

Pamisangano yakapindwa nemunyori uno muHarare, nyaya yakanetsa zvikuru ndeyeCALA, apo mapoka akasiyana –  zvikuru vabereki nevachengeti vevana – vakakurudzira Hurumende kuti ibvise zvimwe zviri mugwaro redzidzo iri.

VaNdoro vanotiwo pane mashoko asiri iwo uye kusanzwisisana panyaya iyi nokudaro Hurumende yave kuda kuita hurongwa hwekuzivisa veruzhinji.

“Misangano yakafamba zvakanaka chose. Zvakadaro, takaona kuti pane kusanzwisisana uye mashoko asiri iwo maererano neCALA,” vanodaro.

“Vabereki vazhinji nevamwe vatinoshanda navo havanzwisise kuti CALA chii, vanofunga kuti inodhura uye inogona kuitwa chete kana munhu achishandisa indaneti izvo zvisiri izvo uye zvisiri zvechokwadi.

“Sebazi, takaona kuti vanotenda kuti zvinofanira kuraswa kana kubviswa pazvidzidzo zvechikoro havazvinzwisise. Saka, kutanga svondo rinouya (svondo rino), tiri kuita zvirongwa zvekuzivisa vabereki nezveCALA uye kuti chii,” vanodaro VaNdoro.

“CALA inoda kusimudzira kufunga kwakadzama, kutsvaga nekusimudzira hunyanzvi hwekugadzirisa matambudziko uye izvi zvinoenderana nedzidzo 5.0 neNational Development Strategy 1.

“Pamusoro pezvo, tikazvibvisa izvozvi zvinokanganisawo gwara redu redzidzo, saka tiri kuenderera nenhaurirano kusvikira tave kuonerana pamwe.

“Mapoka ane chekuita neCALA anoti haifanirwe kuraswa asi kuti zvimwe zvinofanirwa kudzikiswa.”

Nyanzvi munyaya dzedzidzo, Professor Caiphas Nziramasanga, avo vakatanga ongororo pasi peNziramasanga Commission iyo yakaumba hwaro hweCALA, vanoti Hurumende inofanira kudzikisa huwandu hwezvikamu zveCALA pachidzidzo chimwe nechimwe kuitira kuti vadzidzi vabatsirikane zvizere.

“Kudzikiswa kwezvinoitwa pachidzidzo chimwe nechimwe kunofanirwa kuenderana negiredhi kana kugona kwemudzidzi. Mudzidzi anofanirwa kuita chiitiko chimwe chete kana zviviri pachidzidzo chaanogona kubva kupuraimari kusvika kusekondari.

“Mushure meO-Level kana A-Level, vanenge vatadza kuenderera mberi, vanokwanisa kupinda muzvikoro zvinodzidzisa mabasa emaoko.

“Chikamu chekuita tsvakiridzo chinofanira kubviswa uye zviitiko zvinosara zvine divi rezvidzidzo zvemabasa emaoko iro rinoita kuti mudzidzi awane hunyanzvi hwepamusoro mune chero chiitiko,” vanodaro.

Prof Nziramasanga vanoti mamwe masangano ebvunzo anofanirwa kubvumidzwa kuongorora CALA kuti aone nekusimudzira mhando yebvunzo.

“CALA inofanira kushandiswa kuongorora vadzidzi, kuitira kuti avo vasina hunyanzvi hwedzidzo vange vachingoita zvidzidzo zvemabasa emaoko uye vaongororwe neHEXCO (Higher Education Examinations Council).

“Izvi zvinobatsira kuti vadzidzi vave shasha muzvidzidzo. Dzidzo yatiri kuda pari zvino ndiyo inoita kuti vadzidzi vazviwanire mabasa,” vanodaro.

CALA yakavambwa muna2021.

Pasi peCALA, vadzidzi vari muzvidzidzo zvebvunzo – Grade 7, Form 4 neForm 6 – vanoshanda muzvirongwa zvinoumba zvikamu makumi matatu kubva muzana zvemaki ekupedzisira avanozowana mushure mekunyora bvunzo.

Pari zvino, mudzidzi anoendesa zvikamu zvitatu zveCALA pachidzidzo, kutanga kwegore nguva yekunyora bvunzo dzekupedzisira isati yasvika.

Kuburikidza neCALA, vadzidzi vanofanira kuratidza ruzivo rwavo nemanzwisisiro echidzidzo.

Share This:

Sponsored Links