Inzwa kunaka kwebhinzi

09 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
Inzwa kunaka kwebhinzi Bhinzi

Kwayedza

BHINZI kudya kune utano uye dziri nyore kubika sezvo dzisina zvakawanda zvinodiwa pakudzibika.

Svondo rino, Melania Bwazvo wekuChiredzi anotsanangura mamwe mabikirwo ebhinzi.

Zvinodiwa:

Bhinzi dzakaomeswa, chikari, munyu, mafuta, garlic nematomatisi.
Mabikiro:

Rara wakanyika bhinzi mumvura kuti dzipfave dzisazoshandisa magetsi kana huni dzakawanda paunozodzibika.

Nyurura bhinzi wodzigeza nemvura yakachena. Fashaidza bhinzi muchikari uchiramba uchidira mvura kusvika dzaibva. Kanga hanyanisi padivi nemafuta mashoma.

Chekerera garlic nematomatisi, woisa munyu wakafanira wosanganisa kuti zvigadzire muto wakanaka. Usaise godzamuto nekuti bhinzi dzinogadzira muto wadzo dzega. Siya zvishinyire kwemaminitsi mashanu wozosanganisa nebhinzi dziya.

Kana ukaona dzave kuita muto wakakora uye wakatsvukira, dzinenge dzaibva.
Wozodii?

Chipakura unakirwe nemhuri. Bhinzi dzinogona kudyiwa nesadza, mupunga kana nechingwa.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links