Imbodya sadza nehowa

17 May, 2019 - 00:05 0 Views
Imbodya sadza nehowa Howa usavi hunonaka zvikuru kana hukabikwa nehunyanzvi.

Kwayedza

ZVIRI MUGAPU NAMUCHANETA CHIMUKA
HOWA kudya kunovaka muviri sezvo kuine mapuroteni ayo akanakira pakudzivirira zvirwere.

Svondo rino Mariam Mutukirwi wekuZaka, kuMasvingo, anorondedzera mamwe mabikirwo ehowa zvemandorokwati.

Zvinodiwa:

Howa hwemhando yaunoda, munyu, matomatisi, hanyanisi, godzamuto rehowa (mushroom soup) negarlic.

Mabikiro:

Geza howa kusvikira hwachene.

Isa muchikari, wodira makomichi maviri emvura.

Isa pamoto, wosiya huchikwata kusvikira hwaibva.

Isa mafuta wochikanga.

Chichekerera hanyanisi, matomatisi zvose negarlic.

Isa munyu wakaringana woramba uchikanga.

Kana zvatsvukira, chiisa godzamuto rehowa kuti husare huine muto wakakorerera.

Wozodii?

Chibura unakirwe nemhuri.

Howa hunodyiwa nesadza jena, rezviyo, remhunga kana remapfunde. Vamwe vanodya nemupunga.

Asika, musazotenge howa hwemumikoto kana mumigwagwa nekuti munogona kutengeserwa humwe hunokora mukafa naho. Tengai muzvitoro zvakanyoreswa pamutemo.

 

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>