Misambo yemutauro

27 Mar, 2020 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
SVONDO rino tichaita chidzidzo chiri maererano nemhando dzakasiyana-siyana dzemisambo yemutauro. Muchasiirwa basa rekuita iro munofanira kutumira mhinduro dzenyu dzamunofunga kuti ndidzo dzinopindura mibvunzo iyi zvakanaka. Vana vechikoro chete kubva pafomu 1 kusvika 4 ndimi mune kodzero yekutumira. Unofanira kunyora zita rako, zita rechikoro chaunodzidza, fomu yauri, nhamba dzenhare dzako neadhiresi yekwaunogara.

Munofanira kutumira mhinduro dzenyu panhare dzinoti 0714 200 007 kana 0772 491 827 kana email inoti [email protected] kana [email protected] kana [email protected]

Uyo achapindura mibvunzo inobuda muchikamu chino zvakanaka katatu kakatevedzana pamwedzi achapihwa mubairo webhuku rekuverenga.

Mhando dzemisambo muChiShona

Mutsika nemagariro aVaShona, mune misambo yokutaura yakasiyana-siyana. Misambo iyi inoenderana neukama hwevanhu vanenge vachikurukurirana asi pfungwa yeunhu/vumunhu inenge isingarasirwi kudurunhuru.

Kune mhando dzemisambo dzokukurukurirana dzinoti: chishamwari/chisahwira, chinyarikani, chiramu, chisekedzani, chivhevhano nezvimwewo.

Misambo yakaita sechiramu mazuva ano yava kuparara nokuda kwekuti zviga zvaiwanikwa mumusambo uyu, zvakaparara muvanhu vacho vanofanira kuchiita. Zvisinei, regai tione kuti vanhu vacho vaishandisa misambo yakaita seyadomwa ndevapi:

(a) Chisahwira: pakati peshamwari neshamwari/sahwira nasahwira vachiudzana nezveupenyu kana kutsiurana mune zvamagariro eupenyu.

(b) Chinyarikani: pakati pevabereki nevana vavo, mbuyawasha naambuya nevamwe vanofanira kuremekedzwa.

(c) Chiramu: pakati pababamukuru (murume wavatete/vakoma) namainini (munin’ina wemudzimai kana mwana wehanzvadzi).

(d) Chisekedzani: pakati pevose vanogona kutaurirana nemutauro wakareruka kusanganisira vaya vanonemera sevaroora kana madzisahwira.

(e) Chivhevhano: musambo wekupfimbana pakati pemukomana nemusikana.

Muenzaniso wechirevo: Chisekedzani pakati pemuzukururume nambuya

“Ko, sekuru zvavachiri mutanozve nhai mbuya, ndaifunga kuti vava kuda kufazve  ndigogara nhaka?”

Basa rokuita:

  1. Nyora zvirevo zviviri pamusambo woga woga zvinoburitsa ukama hwavanhu vari kutaurirana uye nyaya dzavangataura nezvadzo.
  2. Ita tsvagurudzo uone kuti sei imwe yemisambo yadomwa yava kutsakatika. Kana pane zvikonzero buritsa pachena zvikonzero zvacho.
  3. Ndeipi imwe misambo yavako mazuva ano yava kutora nzvimbo yeyadomwa pamusoro? Tsanangura.

Mhinduro dzenyu dzose dzamuchatumira tichadziburitsa svondo rinouya pamwe chete nemhinduro dzinenge dzichitarisirwa. Kana mwedzi uchinge wapera, tinodoma mudzidzi anenge ahwinha bhuku zvichitevera mhinduro dzakanaka dzaanenge apa kwemasvondo ose akatevedzana. Tinokuzivisai zita rake kubva pane vanotumira mhinduro dzakanyanya kunaka. Kana usati wambopinda mumakwikwi aya unokurudzirwa kufambidzana nevamwe kuti usasaririre shure semuswe.

Share This:

Sponsored Links