Akabata kamwana mazamu

08 Apr, 2021 - 14:04 0 Views
Akabata kamwana mazamu

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MURUME ane makore 58 ekuberekwa wekwaSeke akamiswa mudare reChitungwiza Magistrates’ Courts nemhosva yekubata mazamu emwana ane makore 13 ekuberekwa.

Isaac Mazhindu anogara mubhuku raMazhindu ari kurambisisa mhosva yaari kupomerwa iyi.
Mutongi Brighton Danana akamuti adzoke kudare nguva inotevera apo kutongwa kwenyaya iyi kuchaenderera mberi.

Muchuchisi Caroline Mashingaidze akaudza dare kuti nemusi wa20 Ndira gore rino, mumhan’ari (watisingaburitse zita rake nekuda kwezera) akatumwa naamai vake kunotenga mango pamba paMazhindu anova muvakidzani wavo.

Mwana uyu paakasvika pamusha waMazhindu, akabva aenda naye kune miti yemimango achimuratidza mango dzacho.

Pakarepo, Mazhindu anonzi akabva angoenda nechekumashure kwemwana uyu kwava kumubata mazamu ake.

Mwana uyu anonzi akabva amhanya achidzokera kumba ndokunoudza amai vake avo vakazomonhan’ara nyaya iyi kumapurisa zuva rakatevera.

Mazhindu ari kuramba mhosva iyi.

“Mwana uyu akauya ndichipurasita imba achiti anoda kutenga mango pamba pangu iri nzira yekuti ndimbomira kuita basa rangu. Ari kuti ndakamubata mazamu, akadii kuridza mhere?” ano- daro.
Amai vemwana uyu vakapawo huchapupu kudare.

“Pazuva iri ndakatuma mwana kunotenga mango ndipo pandakashamisika ava kudzoka achimhanya asina mango dzacho achiti abatwa mazamu naMazhindu saka takazonomhan’ara nyaya yacho kumapurisa muzuva rakatevera zvikaita kuti asungwe,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>