Onanga huroyi baba vanomuchengeta

21 Apr, 2024 - 17:04 0 Views
Onanga huroyi baba vanomuchengeta Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome Chinhoi

MURUME anogara kuKuwadzana, muHarare, aendesa mwanakomana wake ane makore 40 okuberekwa kudare achiti haasi kuda kuzviriritira uye kana adhakwa anomutuka nezvinyadzi pamwe nekushungurudza maroja.

Ambross Masango audza dare reHarare Civil Court kuti anoda kuti Terrence Masango abve zvake pamba pake sezvo ave murume mukuru anogonawo kuzvishandira.

“Terrence anoti kana adhakwa anondituka kuti ndiri muroyi uye anotaura mashoko asingataurike mudare anonyadzisa zvikuru,” anodaro Ambross.

“Anotuka maroja zvakare zvinozoita kuti pamba pashaye vanhu vanogarapo iyo mari yemaroja iriyo yandinorarama nayo sezvo ndichigara kumusha,” anodaro Ambross.

Terrence haana kuenda kudare.

Mutongi Johanna Mukwesha vapa Ambross gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links