Mwedzi 2 achigara mu’ceiling’

13 Nov, 2021 - 18:11 0 Views
Mwedzi 2 achigara mu’ceiling’

Kwayedza

Ray Bande

MUKOMANA ane makore 19 okuberekwa wekwaMutare,

uyo asina pekugara pakati tsvetere, anonzi akagara mudenga remba (ceiling) kwemwedzi miviri zvisina ruzivo rwevaridzi vepamba paaigara kuHobhouse

Zvisinei, gava rakazodimbura musungo rimwe zuva apo akaita ruzha ari mudenga remba iri zvakazoita kuti agumisire asungwa.

Nyaya iyi, iyo inoita seyemufirimu reHollywood, yakabuda apo Tinashe Mlambo akazosungwa ndokumiswa pamberi pemutongi Prisca Manhimbi wedare reMutare Magistrate Court, achitongwa nemhosva yekupinda muchivanze chevanhu pasina mvumo yevaridzi (Section 131 (1) of the Criminal Law (Codification and Reform) Act Chapter 9:23).

Mlambo akabvuma mhosva yake achibva apihwa mutongo wekugara mujeri kwemwedzi 14.

Mwedzi mitanhatu yakaiswa parutivi nechitsidzo chekuti aisafanira kupara imwe mhosva yerudzi urwu makore mashanu asati apfuura.

Achagara mujeri kwemwedzi misere.

Muchuchisi Tafadzwa Chiwanza vanoti Mlambo akapinda muimba yaVaProsper Zimunya kuHobhouse pasina mvumo yavo.

Mlambo haana pekugara pakati tsvetere.

Muchichusi Chimwanza vanoti Mlambo akapinda pamba paVaZimunya nekugaraji panguva iyo vemhuri iyi vaiona terevhizheni.

VaZimunya vakanzwa ruzha kubva mudenga remba ndipo pavakatora dara ndokukwira kuti vaone kuti chii chaitora nzvimbo vachibva vasangana naMlambo akahwanda mukati medenga remba.

Akabva asungwa mushure mekunge nyaya iyi yamhan’arwa kuHob House Police Base.

Mlambo akaudza dare kuti akanga atova nemwedzi inosvika miviri achigara mudenga remba uye aizobudamo husiku kuti awane kudya achizofuma achitiza ava mambakwedza.

Mlambo akabvuma kuti aiita mabasa ekuba nharembozha dzaive pachaja pasina aimuona pamwedzi miviri iyo aigara mudenga remba iri.

Share This:

Sponsored Links