Ndatorerwa imba nanyachide: Vahosi

15 Apr, 2024 - 17:04 0 Views
Ndatorerwa imba nanyachide: Vahosi Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome Chinhoi

MUDZIMAI wekuDomboshava anoti ari kutambura nevana mushure mekudzingwa pamba paakavaka nemurume wake zvichitevera kutora kwaakaita mukadzi wechipiri uyo asingade zvachose kuti vana vataure nababa vavo.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Margaret Chisvo akamhan’arira Modesta Mateko achiti anoda kuti abude mumba make uye arege kumutadzisa kusvika pamba sezvo ari iye akamudzingisa nemurume.

“Mumwe musi ndakabva pamba ndichinotenga mushonga wemwana uyo anga asinganzwi zvakanaka, nguva diki-diki yandakabuda ndakatosvika mudzimai uyu atopinda mumba mangu,” anodaro Chisvo.

“Ndakabvunza murume wangu kuti zviri kufamba sei iye ndokuti ndizvo zvavepo saka ndaifanira kuzvitambira. Tati gare-gare, murume akabuda mubhedhuru redu ndokuenda kune rimwe bhedhuru rakasvikira Mateko, izvi zvakatora nguva kusvika ndazodzingwa pamba.”

Chisvo anoti Mateko haafanire kumurambidza kugara pamba apa nekuti ndiye akavakisa imba yacho.

“Ndaikumbirawo ndidzoke pamba pangu uye mudzimai uyu asarambidze vana vangu kutaura nababa vavo. Anofanira kusuduruka nekuti imba ndakaivaka nemurume wangu uye akanditi ndidzoke kumba nekuti imba iri muzita rangu nevana, tave kuwirirana nemurume,” anodaro.

Chisvo anoenderera mberi achiti: “Ndiri kutambaura nevana ndichiita zvekutengesa, zvava kundiremera uye mari yekuramba ndichibhadhara rendi handisisina. Handingarambi ndichitambura ini ndiine imba.”

Mateko anotiwo murume ndewake uye Chisvo akadzingwa pamba apa kare-kare.

“Mai ava vakanzi vauye kuzotora zvinhu zvavo asi vari kuramba saka takazviisa mune mumwe mupanda wemba,” anodaro Mateko.

Mutongi Johanna Mukwesha vakarasa chikumbiro chaChisvo vachiti haana kupa umboo hunogutsa hunoratidza kuti ari kushungurudzwa naMateko.

Vakati kana Chisvo achida kuti Mateko abve pamba anofanirwa kuenda kudare rinoona nezvekubviswa kwevanhu pamba.

Share This:

Sponsored Links