3 vapondwa, 2 ndokubaiwa

26 Apr, 2022 - 15:04 0 Views
3 vapondwa, 2 ndokubaiwa

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police ekuMidlands vari kuferefeta mhosva nhatu dzekupondwa kwemadzimai maviri nemurume mumwe mudunhu iri uye nenyaya yevanhu vaviri vanonzi vakabaiwa-baiwa nemapanga muviri wose.

Nyaya idzi dzakaitika kudunhu raMambo Sogwala kuLower Gweru, kwaMambo Mazvihwa kuZvishavane nekuZhombe.

Mutauriri wemapurisa kuMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti nenguva dza7 manheru nemusi wa13 Kubvumbi, Kesiwe Maketo wemubhuku raMatambeka kudunhu raMambo Sogwala kuLower Gweru akaenda kunorara.

Anonzi asati aenda kunorara, akaonekana nemuvakidzani wake pasina paimurwadza asi rechimangwana racho muvakidzani uyu akazomukira kuma6 mangwanani ndokuwana mutumbi wemudzimai uyu wakarara pahuririri hwemumba make usina kupfeka.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa, mutumbi uyu ukawanikwa uine maronda ekutemwa pamhanza uye wakazoendeswa kuchipatara cheGweru.

Insp Mahoko vanoti munyaya yechipiri, pane mudzimai ainzi Mavis Wadzongwa wemubhuku raTagwirei kwaMambo Mazvihwa kuZvishavane akanetsana nemurume wake, Nobert Mhlanga (36), nenyaya yekuti akanotenga bhegi nemari yaaifanirwa kutengesa girosari.

Zvinonzi Mhlanga akarova mudzimai wake nebadza pamwe nezvidhinha kusvikira afenda.

Vavakidzani nevamwe vanhu vemunharaunda iyi vanonzi vakazoedza kumhanyisa mudzimai uyu kuchipatara asi akafira mumugwagwa.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa Mhlanga achibva asungwa uye ari kubatsira mukuferefetwa kwayo.

Pane zvakare nyaya yemutumbi wakawanikwa uri padyo nenzvimbo yemabhizimisi yeMaguma kwaChiwundura kuGweru nemusi wa13 Kubvumbi.

Insp Mahoko vanoti nenguva dza9 manheru nemusi wa12 Kubvumbi, murume ainzi Hazvinei Gwatipedza ainwa doro panzvimbo yemabhizimisi yeMaguma kwaChiwundura aine mukoma wake apo pakazotanga mhirizhonga.

“Vachinwa doro kudaro, vaviri ava vakavingwa naMannered Gwanzura (25) anobva kudunhu raMambo Gambiza achibva avabvunza nezvekusawirirana kwavo nekuda kwenyaya dzakaitika kare. Vanonzi vakabva vatanga kunetsana, vaviri ava vachibva vatanga kutiza apo vakaenda nemativi akasiyana asi Hazvinei Gwatipedza anonzi haana kuzosvika kumba,” vanodaro Insp Mahoko.

Veruzhinji vanonzi vakazotanga kutsvaga murume uyu ndokuzowana mutumbi wake padyo nenzvimbo yemabhizimisi iyi uine maronda akawanda ekubaiwa.

“Nyaya iyi yakazosvitswa kumapurisa ndokutanga kuferefetwa vachibva vasunga Mannered Gwanzura uyo ari kupomerwa mhosva yekuponda. Murume uyu ari kubatsirana nemapurisa mukuferefetwa kwenyaya iyi.

“Tinoyambira veruzhinji kuti vagadzirise nyaya dzavo murunyararo pasina kurwisana zvinoguma zvakonzera kurasikirwa neupenyu hwevanhu,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti pane varume vaviri zvakare vanonzi vakasiiwa vaine maronda muviri yose ekubaiwa nemapanga vekunzvimbo yemabhizimisi yeSidakeni kuZhombe nemusi wa13 Kubvumbi.

Aleck Mahembe (21) naJames Wengesai (23), vose vekudunhu raMambo Samambwa, vanonzi vaidarika nepanzvimbo yemabhizimisi yeSidakeni vaine chikochikari chaidhonzwa nemombe apo vakamiswa nevarume vatatu vavasina kuziva vachiti vaida US$10 yekutenga doro asi vakavataurira kuti vaisava nemari iyi.

“Vatatu ava vakagumburiswa nemashoko evarume vaviri ava vachiti vainge varamba nemari. Vakabva vaburitsa mapanga ayo vanonzi vakabaya vaviri ava kakawanda muviri wose, vatatu ava vakabva vazotiza vachisiya varume vaviri ava vakarara pasi,” vanodaro Insp Mahoko.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa Mahembe naWengesai ndokumhanyiswa kuchipatara cheKadoma uko vari kurapwa.

“Semapurisa, tiri kukumbira kuruzhinji kuti vadzidze kugadzirisa nyaya dzavo pasina mhirizhonga uyewo tinokumbira kune vanoziva kune varume vatatu vakasiya vabaya vaviri ava kuti vawanikwe, vasungwe vaendeswe kumatare edzimhosva,” vanodaro Insp Mahoko.

Share This:

Sponsored Links