Mutyairi wemota atsika munhu ndokutiza

21 Apr, 2024 - 18:04 0 Views
Mutyairi wemota atsika munhu ndokutiza Inspector Emmanuel Mahoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuZvishavane ari kutsvaga mutyairi wemotokari yakatsika mumwe mukadzi akakuvara zvikuru iye achibva atiza.

Mudzimai akatsikwa uyu anonzi aidarika mugwagwa mudhorobha reZvishavane nemusi wa11 Kubvumbi nenguva dza18:40 zuva rodoka apo akasangana netsaona iyi.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti Gertrude Nyaya (53) wekuZvishavane Surbubs akatsikwa nemotokari yaimhanya zvakanyanya yerudzi rweToyota Runx ine nhamba dzinoti AFD 5171 iyo isina kumira.

“Mudzimai uyu paaiedza kudarika mugwagwa, akabva asvikotsikwa nemotokari iyi yaimhanya zvikuru achibva atyoka gumbo rekurudyi uye akazoendeswa kuchipatara cheZvishavane District Hospital uko ari kurapwa,” vanodaro Insp Mahoko.

Vari kukumbira kuruzhinji kune vanoziva mutyairi wemotokari iyi kuti vazivise mapurisa ari padyo navo.

“Tinokurudzira vatyairi kuti vatevedze mitemo yemumigwagwa kuitira kudzivirira kukuvara kwevanhu mutsaona nekurasikirwa neupenyu. Dzimwe tsaona dziri kuitika mumigwagwa yedu dzinofanirwa kunge dzisingaitike sezvo dzichikwanisa kudziviririka nekutevedzwa kwemitemo nguva dzose,” vanodaro Insp Mahoko.

Share This:

Sponsored Links