A-LEVEL: Madingindira ari munyaya

03 Feb, 2017 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
MADINGINDIRA anobuda munyaya:
Rudo, umhondi, huori, mhirizhonga yemudzimba, dzidzo, kutyorwa kwekodzero dzevanhu, vanhukadzi, nemamwewo.

RUDO:
Rudo rwunobuda rwuri irwo rwunosundira nyaya mberi apo Stanley anenge achitora matanho akasiyana ekuti adzore musikana wake, Beaula uyo akanga apambwa nematsotsi aiba mari yaishaikwa kuC and T Private Limited. Rudo rwaive pakati paStanley naBeaula rwainge rwakasimba zvekuti rwunokonzera matambudziko (mavanga) kuvatambi vakawanda.

Rudo rwunotiza Stanley mushure mekunge adanana naBeaula kwenguva pfupi ndokubva atsakatika.

Rudo ndirwo rwunorovesa mudzimai anosangana naStanley achienda kuCentral Police Station nemurume wake nekuti rwakanga rwave kupera. Pakati paEve naStanley panenge paine rudo rwekunyengedzana uye rwusiri rwechokwadi. Batsirai naMoira vanenge vari murudo rwechokwadi.

UMHONDI:
Vheremu, Solo, Tinashe, Dusty naMonya vanenge vachiita mabasa ehumhondi vachironga kuuraya vanhu.

Tinoona kuti Monya nechikwata chake vanouraya gadhi aishanda paSearing Heights, Samson mushure mekunge avamhan’arira kumapurisa nezvenyaya dzavo dzehumhondi.

Chikwata chaVheremu chinourayisa vasikana vaviri vaishanda kuC and T Private Limited vaiita zvekuongorora mabirwo emari yainge yatsakatika.

Maodhita aya anofa mushure menjodzi yemotokari inofungidzirwa kuti yainge yakonzerwa navanaVheremu vaiba mari pakambani yeC and T Private Limited.

Robby nechikwata chake vanoponda Eve ndokusiya vamukanda mutabhu vakamubaya nebanga kumusana vachitya kuti akaramba achitamba naStanley aizoguma afumura zvese zvavaiita. Monya anouraya Bhasopo nepfuti mushure mekunge amupfura pachipfuva chaipo.

HUORI:
Huori hunobuda huchiitwa nevatambi vakasiyana-siyana kuti vaitirwe tsvete. Gadhi wepaSearing Heights anoonekwa achiita madhiri navanaVheremu mushure mekunge apihwa mari yevharamuromo ndokuvasiya vachipinda mumba maStanley asina kuvanyora mubhuku revaenzi vaipinda apa. Pakambani yeC and T Private Limited panenge pachiitwa huori kwazvo zvinova zvinoita kuti kambani yaishandirwa navanaBeaula izoshevedzwe kuongorora mafambiro aiita mari.

Zvinonzi mari yepaC and T Private Limited yaibiwa kuburikidza nechinyoreso chaicho.

Gadhi aishanda paC and T Private Limited anoonekwa achiita huori mushure mekunge apa Stanley nhamba dzekumba kwaigara Vheremu anokumbira kuti apihwe mari yekuzotenga kokokora ndokusiirwa. Solo navanaVheremu vaiita madhiri ekututira fodya mumagonyeti vachibuda nayo munyika zviri kunze kwemutemo.

Tinonzwa Beaula achitaura naStanley achiti, “.. . vatungamiri mumakambani vave kuba mari. Ukuwo vashandi vomumagadheni vachitorawo mabhara kana kuti mapiki zvisina mvumo.

Kana vadzidzisi vanobawo mabhuku namachoko vachinotengesa. Munhu wose ave kuita zvaanofunga. Zvemari izvi zvakatanga mumabhanga. Uwandu hwemari iri kubiwa munyika muno hwakurisa . . .” p.15.

Chiremba anoregedza kusungisa Eve paanobvisiswa pamuviri naSolo nekuti ainge apihwa vharamuromo ndokusiya nyaya yacho yakadaro.

MHIRIZHONGA YEMUDZIMBA:
Stanley anosangana nemukadzi nemurume pana Angwa Street muguta reHarare vanenge vachinetsana paanoenda kuCentral Police Station achida kubatsirwa kutsvaga Beaula aive atsakatika. Murume uyu ainge achiramba mwana wekutanga pamwe chete nepamuviri paive nemudzimai wake.

Izvi zvinoita kuti azogume ave kutukwa nemukadzi kuti imbwa pamberi pechaunga chevanhu.

Pamusoro pazvo, murume uyu anorova mudzimai wake mbama pamberi pemhomho yevanhu.

Mudzimai waSolo anoenda kumba kwaEve ndokutanga kurwa, apa vanenge vachirwira murume anove Solo. Solo anobatsira Eve kurova mukadzi wake.

Ropafadzo anonetsana namainini vake kusvikira avaruma chigunwe ndokusara chave kuita sechichatyoka.

Stanley anorova mudzimai waVheremu kuHighlands mushure mekunge avapindira mumba vakarara husiku.

Tinopedzisa mamwe madingindira svondo rinotevera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey