A-LEVEL — MUBAIRO: George ava kuendeswa kuchipatara chekuHarare

07 Nov, 2014 - 09:11 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 20 (Ongororo: Enderero mberi)
Kunyangwe zvazvo chiri chitsauko chakadupikisa, chakapaka kunge gidi. Muchitsauko ichi tinonyatsoona unhu hwaKamukombe, azere nekutsvinya kushanda haadi asi anoda kukohwa zvakohwiwa nevamwe.

Musiyiwa haavhundutswi nekutaura kwaKamukombe izvo anodimikira achiti murume uyu ari kutozvinetsa zvake “kuvhundutsira dombo” (73). Kamukombe anoda kumboedzawo kupa udzamu mune zvaanotaura achiti Musiyiwa zvaave kutyaira motokari yaGeorge ngaarege kupaparika achiti zvinhu zvapamusha apa zvava zvake achidoma tsumo achiti, “Kudzipakata handiko kudziridza” (73).

Kushungurudza kukuru kuna Musiyiwa kunoonekwa nekushandisa mibvunzo isina uyo anopindura. Zvinonzi, “Inga ivo baba vaHazvinei chaivo vanotove ndivo vanondipa mari yandinorarama nayo vanonditi munin’ina Tembo wani? Kukosha kwaKamukombe asingarimi uyu kuri papi?” (74).

CHITSAUKO 21 (Nyaya yacho)

Pachipatara muKaroi hama dzaGeorge dzinoti Andrew, Mai Chimanga, tete vekuMhondoro nevabereki vamai vaHazvinei dzinouya kuzomuona. Vari pakati pokukurukura, Mai Chiratidzo vanodanwa nachiremba uyo anovaudza kuti ainge achiongorora urwere hwaGeorge kwemazuva mashanu asi zvino asvika pachinhanho chekuti atumire George kuchipatara chemuHarare nemusi weMuvhuro mangwanani uko aida kuti anonyatsoongororwa neimwe michina yepamusoro sezvo ropa rake risiri kunyatsofambiswa zvakanaka nomwoyo.

Amai vaYeukai vanodzokera kunoudza vamwe zvainge zvataurwa naChiremba Mai Chimanga ndokuti vainge vafunga kuti mai vaHazvinei vambomhanyira kumusha kunoona kuti kwakamira sei, ivo vosara vachiona murwere vamwe vose vachafanoenda kuHarare naAndrew nemotokari sezvo achasvika pachipatara ipapo masikati acho. Kana Mai Tendai vadzoka vobva vakwira bhazi kuenda kuHarare.

Sekuru vaTendai vanowirirana nazvo. Apo mai vaYeukai vanosvika kumusha, vanosvikoudzwa kuti vanaMakate vainge vari zvavo kudoro remashave kwavaitozodzoka ramangwana racho. Vanoedza nepavanogona kutaura zvourwere zviri nani apo vanobvunzwa naTendai, mumwoyo umu vakaremerwa kwazvo.

ONGORORO

Tinodzidza nezvedambudziko rinosiwanzoitika mumaruwa. Vanhu vakura havagoni kuverenga nekudaro vanokumbira sakurema kana kuti mukuru wechikoro kuti avaverengere tsamba.

Izvi tinozviona zvichiitika maererano netsamba iyo Mai Chimanga vanogamuchira.

Tinonzwa vachiti, “Ndakabva ndaivhura pakarepo ndokuti kumukuru wechikoro andiverengere” (75).

Apo mai vaYeukai vanoshevedzwa nachiremba, vanhu vauya kuzoona George vanoita zvakasiyana-siyana (different reactions).

Tete vokuMhondoro vanonzwika kutura mafemo. Sekuru vaHazvinei vanobata-bata tsvimbo yavo, kupukuta-pukuta ngowani yavo nekupuruzira munhenga wavo waiva parutivi.

Vana Makate tinobva taona kuti havana hany’na neutano hwaGeorge. Panzvimbo yekuti vanhu vagare pamba vamirire kunzwa kune vanhu vainge vaenda kuchipatara ndipo apo vanoenda zvavo kudoro ramashave uko vainge vari kutarisirwa kuzodzoka ramangwana racho.

Zvinoitwa nasekuru vaHazvinei zvinowedzerwa nekushandiswa kunoitwa enzaniso.

Mukuru uyu apo anonzwa zvinotaurwa naamai vaTendai vabva kwachiremba anoonekwa achibata-bata tsvimbo yake “sekunge vaibvunza mazano” (76).

Kudimikirwa kunoitwa kunotiratidza kuti vanhu vainge vasisazivi chokuita apo mai vaTendai vanoshewedzwa nachiremba.

Tinonzwa zvichinzi apo mai VaTendai vainge vaenda, vamwe vose vakasara vakanyarara “vakabatira mwoyo mumaoko” (75). Tsetswa dzemuverengi dzinotekenyedzwa apo anoverenga panoti, “ejeti” (urgent).

Enderero mberi svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey