A-LEVEL — PAFUNGE: Joe afuga rake oga

09 Oct, 2015 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 21 (Nyaya yacho: Enderero mberi)
Rudo anonzwa izwi raitaurira Chiedza kuti aifunga kuti vanhu vainge varara ndokubva aziva kuti vanhu ava ndiMufundisi Lovedale, Chiedza naWinnie vainge wauya kuzoona kuzomuona. Mumwe musikana ainzi Pennia hanzvadzi yemurume waWinnie ainge apihwa pamuwiri naJoe zvino akataurira Winnie zvose zvakanga zvaitika, Winnie uya kwava kuzotaurira Mufundisi Lovedale apo akaenda kwaSadzajena kunoratidza hama nevabereki mwana waainge asununguka kwaMutare.

Panzvimbo yokuti Rudo avhure musuwo, anopera simba kwava kuti pasi zhokoto zvekuti haazonzwi zvinotaurwa naJoe zvokuti paakanzwa kugogodza akafunga kuti mapurisa.

Paanomuka, anoona Joe akati rabada nehope dzamufuganebwe, kwava kuedza kumumutsa asi hapana anomupindura. Anobva amedza mapiritsi maviri ndokubva akotsirawo. Ava kukotsira anofunga zvekufa kwaamai vake avo vakanzi vakafa nemapiritsi ekukotsirisa, iyo yakavewo firo yaJoe.

ONGORORO:
Tinoona dingindira riya rokuti vanopara mhosva kana kuti vanokanganisa vanorangwa, vasina mhosva vachisiiwa vakadaro (poetic justice).
Joe mupari wemhosva, wekukanganisa Annatoria uyo anozviuraya, anokanganisa Rudo uyewo nekukanganisa Pennia, anowana chirango cherufu, Rudo achisara ari mupenyu.

Tinodzidza kuti Joe anotaura mazwi anotonya tichaona achishandisa sekerambabvu (sarcasm) dzimwe dzenguva sezvaanoita papeji 102 achiti, “Vana vaviri ndinavo muno mumba chokwadi, kuti doro riri muchigubhu changu iro nehasha dziri mumusoro umu”, musambo uya wokuti muverengi nemumwe kana vamwe vatambi vari munyaya vanenge vachiziva zviri kuitika, mumwe kana vamwe vatambi vasingazvizivi (dramatic irony) uchishandiswa papeji 102.

Muverengi naRudo vari kuziva zviri kurehwa naRudo apo anoti, “Dai uchiziva zvakaitika ungadai waziva kuti una vana vaviri muno mumba” (102) zvinoreva kuti mwana wekutanga iye Rudo, wepiri iriyo nhumbu yaakatakura.

Inyaya inosiririsa kwazvo kuona baba vachipa mwanasikana wavo pamuviri. Izvi zvinhu zvisingafadzi asi zvechokwadi zviri kuitika, hanzvadzikomana dziri kupa hanzvadzisikana pamuviri.

Mazuva ano kangani tichinzwa nyaya dzavanababa vari kubata vanasikana vavo chibharo?
Kambo kanogara kachiimbwa naJoe kanoita sekanotaura zvichaitika (prophetic). Joe ibasa rake rekukanganisa vasikana vakanaka asi kuita kwake uku kuchazopedzisira azosvika parufu. “Ndazosvika parufu . . .” (103).

Muverengi anosara aine mubvunzo mukuru apo anonzwa Joe achiti, “Zvino chiripo apa ndechekuti . . .” (106) ava kuzvibvunza kuti Joe chaizvo chaizvo aida kuti kudini.

Imwe turikavhunduko (suspense) tinoiona nezvinoitwa nemunyori zvekuti vana Mufundisi Lovedale varege kuziva zvainge zvaitika mumba maJoe naRudo.
Tinoonawo kuitika kweerekano hana madimbu (coincidence).

Zvabva zvangoitikawo kuti firo yaamai vaRudo yekufa nemapiritsi ekukotsirisa ndiyo firo imwe cheteteyo yakaitika kuna Joe.
CHITSAUKO 22 (Nyaya yacho):
Murume ainzi Petros Masango aive munhu aishusha chaizvo. Painetsana Rudo naJoe ivo vainge vachifurufushawo mudzimai wavo.

(Enderero mberi svondo rinotevera.)

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey