Abatwa aine misoro 5 yeshumba

21 Feb, 2024 - 22:02 0 Views
Abatwa aine misoro 5 yeshumba Patson Ndlovu (kurudyi) achisvika padare reHarare Magistrates' Courts

Kwayedza

Yeukai Karengeza

MURUME wekuMasvingo, uyo akawanikwa aine misoro mishanu yeshumba yakaomeswa inokosha US$100 000, akamiswa mudare nemusi weMuvhuro uno achipomerwa mhosva yekutyora mutemo weParks and Wildlife Act.

Muchuchisi Mai Berlinda Chimuka vanoti nemusi weMugovera wadarika nenguva dza9 mangwanani, matikitivha eCID Minerals, Flora and Fauna Unit muHarare vakanzwa kuti Patson Ndlovu (32) nevamwe vake vaive nemisoro mishanu yeshumba yakaomeswa uye vaitsvaga munhu angaitenga panosangana migwagwa Mazowe Street naHerbert Ushewokunze Avenue, muHarare.

Matikitivha aya akabva aita sevanhu vaida kutenga misoro yeshumba iyi.

Ndlovu nemumwe wake vakazokwira mumota yaishandiswa nematikitivha aya vachibva vatyaira vakananga kunaMazowe Street ndokunoipaka kunze kweMazowe Mansions kwaishandira Ndlovu.

Ndlovu nemumwe wake vakaenda muflat reMazoe Mansions ndokubuda nebhegi reblue nepurple ndokuriisa kumushure kwepick-up uye ndokuzopinda pamwe chete mumotokari.

Chimwe chikwata chematikitivha chakasvika pavari ndokukumbira Ndlovu kuti aburitse gwaro kana rezenisi rinomupa mvumo yekubvisa mhuka kana chikamu chemhuka panzvimbo kuenda pane imwe.

Ndlovu akanga asina magwaro aya apo vamwe vake panguva iyi vakabva vatiza.

Asi Ndlovu akasungwa uye misoro yeshumba mishanu yakaomeswa ndokuwanikwa.

Mumwe mushandi weParks and Wildlife Management Authority akaita ongororo yemisoro yeshumba iyi ndokuona kuti inokosha US$100 000.

Share This:

Sponsored Links

https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG